Accessibility links

Breaking News

Vashandi vekuBotswana Vanobhadriswa Faindi


Vashandi vatatu vekuBotswana vakasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekupinda munyika zvisiri pamutemo, vabhadhariswa faindi nedare redzimhosva kuHwange. Dzimwe mhosva dzanga dzichipomerwa vashandi ava dzaraswa nedare.

Kubatwa kwakaitwa vashandi ava kwakapa kuti Botswana idzore vamiriri vayo vaviri muZimbabwe, ichiti vashandi ava vainge vasina kubatwa zvakanaka. Botswana inoti vashandi ava vanhu vaiita basa ravo pachokwadi, uye vakapinda muZimbabwe apo vaitevera shumba inonzi yarura muBotswana. Botswana inoti vashandi ava havana kuziva kuti vakanga vatopinda muZimbabwe apo vaitevera shumba iyi.

Zvichitevera kusawirirana pakati penyika mbiri idzi, zvinonzi pachaitwa musangano pakati peZimbabwe neBotswana kuitira kuti dzigadzirise hukama hwadzo.

VaOzias Tungwarara ndivo mutungamiri weAfrica Governance Monitoring and Advocacy project. VaTungwarara vanoti zviri pachena kuti Zimbabwe haina kubata zvakanaka nyaya iyi nekuti vanhu vakasungwa ava, vakanga vari pabasa.

VaTungwarara vanotiwo zvava kunetsa panyaya iyi ndezvekuti Zimbabwe neBotswana zvagara zvakarimirana pamuganhu, zvichitevera kushoropodza kunoita Botswana hutongi hwaVaMugabe.

XS
SM
MD
LG