Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Voenderera Mberi neKuramwa Mabasa


Vashandi vehurumende vari kuramwa mabasa vawirirana muChinhoyi kuti vacharamba vari pakuramwa mabasa kunyange hazvo pave nekusawirirana pakati pemasangano anovamirira, ayo ari kupomerana achiti vamwe vavo vave kushandiswa nevezvematongerwo enyika.

Vachitaura pamusangano weMuvhuro muChinhoyi, sachigaro weAPEX Council, Amai Tendai Chikowore, vati vashandi vehurumende vanofanirwa kuramba vakabatana, kuitira kuti vakunde muhondo yavo yekurwira mihoro yakanaka.

Vatiwo kune vamwe vashandi vehurumende vava kushandisa kukundikana kwehurumende kubhadhara vashandi vayo kushora mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe negurukota rezvemari, VaTendai Biti, sekunge ndivo chete vari kukonzera matambudziko akatarisana nehurumende yemubatanidzwa.

Amai Chikowore vati vashandi vehurumende vanofanirwa kushora hurumende yose yemubatanidzwa, sezvo iri iyo iri kutadza kuvabhadhara mari dzavari kuda.

Vabereki vane vana vanodzidza pachikoro cheDangare Primary School mumusha mukuru weSakubva kwaMutare, varatidzira vachiti vari kuda kudzorerwa mari dzavanga vachibhadhara varairidzi dzekubatsirikana, kana kuti incentives.

Executive sectretary vePublic Service Association, VaEmmanuel Tichareva, vanoti vamwe vashandi vehurumende vari kutyisidzirwa, zvikuru muguta reHarare, izvo zviri kupa vamwe vashandi vadzokere kumabasa nekutya.

XS
SM
MD
LG