Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votarisirwa Kuramwa Mabasa neChina


Vashandi vehurumende vangangopinda mukuramwa mabasa kwezuva rimwe chete nemusi weChina, zvichitevera kusauya kumusangano uyu kwegurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga.

Musangano wazoitwa nevamiriri vehurumende vanzi vatumwa negurukota iri unonzi haunawo kuburitsa chimuko.

Vamiriri vevashandi pasi peApex Council, vanoti vanga vakatarisirwa kusangana naAmai Matibenga, asi musangano uyu unonzi hauna kuzobudirira sezvo Mai Matibenga vazivisa kuti vakwidza nyaya iyi kukomiti yemapazi ehurumende ane chekuita nevashandi vehurumende, iyo yanga ichitarisirwawo kugara musangano wayo.

Studio7 yaedza kutaura naMai Matibenga avo vati havasi kukwanisa kutaura nezvenyaya iyi.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti mushandi wepasi, uyo ari kutambira $258.00 pamwedzi, atangire pa$538.00, iyo inofambirana nePoverty Datum Line.

Sangano rePTUZ rinoti nhengo dzaro dzakatotanga kare kuramwa mabasa.

Sachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, vaudza Studio7 kuti havana kufara nedanho ratorwa naMai Matibenga, sezvo vari ivo vakanga vakumbira nguva yekutarisisa nezvenyaya iyi mushure memusangano wavo svondo rapera.

XS
SM
MD
LG