Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votanga Kuenda kuMabasa Asi Vasingashandi


Vashandi vehurumende vatanga veMuvhuro kuenda kumabasa kunyange hazvo vasiri kushanda.

Vashandi ava vakawirirana neChishanu kuti vachadzokera kumabasa neMuvhuro, asi vachange vasingaite basa kudzamara hurumende yawedzera mari dzavari kutambira.

Sachigaro veApex Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti havasati vava kuziva kuti hurongwa uhu hwafamba sei.

Amai Chikowore vanoti vari kutarisira kuita hurukuro nehurumende pamusoro penyaya yemihoro svondo rino risati rapera.

Vashandi vehurumende vari kuda mihoro inotangira pa US$630.00 pamwedzi. Asi hurumende inoti haina mari iri kudiwa nevashandi.

Amai Chikowore vanoti vashandi vapa hurumende kusvika musi wa 5 Kurume kuti nyaya iyi inge yagadziriswa.

Vashandi vehurumende vakatanga kukanda mapadza pasi musi 5 Kukadzi mushure mekunge hurumende yatadza kuwedzera vashandi mari dzavari kuda.

XS
SM
MD
LG