Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vozeya Mihoro Yavo neHurumende neChipiri


Vashandi vehurumende vari kutarisirwa kusangana nevamiriri vehurumende neChipiri pasi pechirongwa cheNational Joint Negotiating Council, kuti vakurukure nyaya dzemihoro yegore ra2010.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, rePublic Service Association, rinoti riri kuda kuti mushandi wepasi apiwe mari inotangira pamazana mashanu emadhora ekuAmerica, iyo inofambirana nePoverty Datum Line.

Sangano rinomirira vashandi reZCTU rinonziwo riri kutsigira kuti hurumende iwedzere vashandi vayo mari sezvo zvinhu zvava kutarisika zviri nani munyaya dzehupfumi.

Vashandi vehurumende, zvikuru varairidzi, vanonzi vakayambira kuti vangangopinda mukuramwa mabasa kana vakasapiwa mari dzavari kuda.

Munyori mukuru wePublic Service Association, VaEmmanuel Tichareva, vanoti vane tarisiro yekuti vachawana zvinovafadza kubva mumusangano wavachaita nehurumende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro.

XS
SM
MD
LG