Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naVaMugabe Vokumbirwa Kupindira paMihoro yeVashandi


Nhaurirano pakati pehurumende nevashandi pamusoro pemari dzemihoro dzatadza kubudirira zvekare neChipiri.

Zvichitevera kukundikana kwenhaurirano idzi sangano remubatanidzwa wemasangano anomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti rave kukwidza nyaya iyi kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Pakaita zvakare mangange panyaya yemihoro iyi gore rapera, vatungamiri vaviri ava vakazopedzisira vapindira vashandi vakawedzerwa mari dzavanotambira.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProseper Chitambara, vanoti kunyange hazvo vatungamiri vaviri ava vaine chido chekuti vashandi vawedzerwe mari, havana zvikuru zvavangaite sezvo mari iri kupinda muhomwe yehurumende iri shoma zvikuru.

Gurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, vakaudza paramende neMuvhuro kuti dambudziko remari dzemihoro harifanirwi kukandwa mubazi ravo chete, sezvo paine mapazi ehurumende akawanda anobata pamwe panyaya iyi.

Vakatiwo dare reparamende, iro rinopasisa bhajeti yehurumende, raifanirwa kunge rakaonawo kuti bhajeti remari yevashandi vehurumende iri pasi, roramba kupasisa bhajeti iri.

Vashandi vehurumende vakanga vachiramwa mabasa kwesvondo rose svondo rapera vachida kuti vawedzerwe mari dzavo dzemihoro.

Hurumende inoti yakaisa patafura mari inoita mamiriyoni mazana maviri nemakumi mana emadhora ichashandiswa mukuwedzera mari dzevashandi. Asi vashandi vehurumende vari kuramba kutambira.

XS
SM
MD
LG