Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Havasi Kuzodzokera Shure paNyaya dzeMihoro


Zvichitevera kutadza kuwirirana panhaurirano dzemihoro kwakaitika pakati pevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende nemusi weMuvhuro, vashandi vakapa vatungamiri vatatu vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa mazuva gumi nemana ekuti vagadzirise dzambudziko iri.

Vashandi ava vanoti vatungamiri ava vakakundikana kugadzirisa gakava iri, vanenge vokanda mapadza pasi. Vamiriri vemasangano evarairidzi, asangana negurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, kuti vazeye zvakabuda mumusangano uyu.

Vashandi vehurumende vanoti vanoda kuti mari dzemihoro dzitangire pamadhora mazana matanhatu, asi hurumende inoti yakangokwanisa kuwedzera vashandi nemari iri pakati pemadhora manomwe nemadhora makumi maviri nerimwe, ichiti haisati yadzika midzi munyaya dzeupfumi.

Nyaya dzemihoro idambudziko rakatarisana nevashandirwi vakawanda munyika, sezvo mamwe masangano anomirira vashandi, ari kuti anodawo kuti nhengo dzawo dziwedzerwewo mari.

Munyori mukuru wePublic Service Association, VaEmmanuel Tichareva, pamwe nevanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaOswald Madziva, vanoti nhengo dzavo hadzisi kuzodzokera shure panyaya yekuramwa mabasa kana hurumende yakasasimudza musoro.

XS
SM
MD
LG