Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Voenderera Mberi neKuramwa Mabasa


Hutungamiri hwevashandi vehurumende musangano reAPEX Council hwasangana kwaMutare, hukabuda nechisungo chekuti vashandi varambe vachiramwa mabasa, kudzamara hurumende yawedzera mari dziri kudiwa nevashandi.

Vanga vakamirira masangano evashandi vanosanganisira sachigaro veAPEX Council, Amai Tendai Chikowore, munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe nevamwe.

Vamwe varairidzi muzvikoro zvakawada vari kutora mukana wekuramwa mabasa kuri kuitwa nevashandi vehurumende, kumanikidza vabereki kuti vawedzere mari dzemaincentives, kuitira kuti varambe vachidzidzisa vana.

Asi masangano ese anomirira varairidzi ari kukuridzira vabereki kuti vasabhadhare mari idzi, sezvo iri riri basa rehurumende. Irwin Chifera atipa nyaya iyi.

Kuramwa mabasa kwevashandi vehurumende kwapinda muzuva rechitanhatu, kunonzi kuri kukanganisawo kufambiswa kwemabasa muhurumende.

Vamwe vamiriri vemasangano evarairidzi vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nevamwe varairidzi avo vanonzi vari kumanikidza vapereki kuti vabvise mari dzekuti varairidzi ava vabatsirikane, kana kuti ma incentives. Masangano aya anoti hurumende ndiyo inofanirwa kubhadhara varairidzi kwete kuti vabereki vaomeserwe.

Kuramwa mabasa kwevashandi vehurumende kwakatanga neChishanu. Misangano iri kuitika pakati pevashandi nehurumende hapana chairi kubatsira nacho. Vashandi vari kuramwa mabasa vangangosvika pazvikamu makumi masere kubva muzana, uye vanoti vari kuda kutambiriswa mari inosvika pamazana matanhatu nemakumi matatu emadhora eku America pamwedzi.

Asi hurumende inoti haina mari iri kudiwa nevashandi vayo.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanotiwo vanhu havafanirwi kungotarisa divi rekurasikirwa kwehurumende chete, vasingatarisiwo divi revashandi.

XS
SM
MD
LG