Vashandi vehurumende vapinda mukuramwa mabasa kwesvondo rose kutanga neMuvhuro, vachiti vanoda kuti vawedzerwe mari dzavo dzavanotambira.
Zvinonzi zvikoro zvizhinji, zvikuru muHarare neChitungwiza, zvanga zvisingadzidzwi mushure mekunge varairidzi vadzosa kumba vana vanga vauya kuchikoro.
Asi vamwe vashandi vehurumende, zvikuru vemumahofisi, vanzi vanga vari pamabasa semazuva ose. Sachigaro veApex Council, Amai Tendai Chikowore, vaudza Studio7 kuti nhengo dzavo zvikuru vashandi vemumahofisi, dziri kutyisidzirwa kuti dzisaramwa mabasa.
Vati neChipiri vachanoratidzira pamahofisi ehurumende ane vakuru-vakuru vari kutyisidzira vashandi.
Svondo rapera, vashandi vehurumende vakaramwa mabasa kwezuva rimwe, chiitiko chinonzi hachina kubudirira zvakanaka sezvo vamwe vakawanda vakaenda kumabasa.
Sangano reApex Council rinoti rakanga raronga kuti risangane negurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, asi musangano uyu hauna kuzobudirira, izvo zvinonzi zvakatsamwisa vashandi.
Vashandi vari kuda kuti mushandi wepasi atangire pa$538.00 pamwedzi, kubva pa$238.00 iri kutambirwa pari zvino.
Imwe nhengo yeApex Council, uye vari Chief Executive Officer veZimta, VaSifiso Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti pari zvino vari kufadzwa nemafambiro aita kuramwa mabasa uku.
Amai Matibenga vanoti havana ruzivo nezvekuramwa mabasa kwevashandi vehurumende, sezvo vasina kuziviswa nezvazvo, kunze kwekuzvirenga mumapepanhau.
Amai Matibenga vanoi bazi ravo raburitsa gwaro rinoratidza pamire hurumende panyaya iyi, uye vari kushuvira vashandi rombo rakanaka pahurukuro dzavachaita nevamiriri vehurumende nemusi weChitatu.