Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanosangana neVamiriri veHurumende paNyaya dzeMihoro


Musangano weNational Joint Negotiating Council, pakati peApex Council, inomirira vashandi vehurumende, nevamiriri vehurumende, waitwa muHarare.

Asi sechave chigariro musoro weshuro kushaya nyanga, musangano uyu unonzi hauna zvawaburitsa sezvo vanga vakamirira hurumende vanzi vapinda mumusangano uyu vasina chavanga vakabata.

Kunyange hazvo vashandi vehurumende vasvitsa zvavari kutarisira kubva kuhurumende panyaya dzemihoro, mari dzekubatsirikana pamwe nemashandiro ava, vanga vakamirira hurumende mumusangano uyu vanonzi vati vanoda nguva yekuti vasvitse zvaturwa mumusangano uyu kuvakuru vavo.

Vashandi vanga vakamirirwa nasachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, vachitsigirwa nemunyori weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, nevamwe vamiriri vemamwe masangano evashandi vehurumende.

Hurumende, iyo yanga yakamirirwa nemunyori mubazi rezvezvicherwa, VaPrince Mupazviriho, vachitsigirwa nevamwe vasere vabva mumapazi ehurumende, inonzi yakumbirawo vamiriri vevashandi ava kuti vasaburitse mafigiri akurukurwa mumusangano uyu, ichiti izvi zvinokonzeresa kukwira kwemitengo yezvinhu zvisina kutsarukana.

Asi vane ruzivo nezvaitika mumusangano uyu vati vashandi vari kuda kuti mushandi anotambira mari iri pasi pasi atangire pa mari inoita madhora mazana mashanu nemakumi matanhatu pamwedzi, iyo inofambirana nePoverty Datum Line.

Amai Chikowore vati vanotarisira kunzwa kubva kuhurumende mukati memazuva manomwe.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vatiwo vashandi vehurumende vari kutarisira kuti hurumende ichanzwisisa zvavari kuda yotora matanho vashandi vasati vatorawo matanho.

XS
SM
MD
LG