Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanosangana neGurukota reZvevashandi veHurumende, asi Hapana Chabuda


Vamiriri vevashandi vehurumende vasangana negurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, kuti vakurukure nyaya yemihoro, asi zvinonzi hapana chabuda mumusangano uyu.

Zvinonzi Amai Matibenga vakumbira nguva yekuti vambozeya nyaya iyi sezvo vachiri mutsva mubazi iri, izvo zvaita kuti zvikwata izvi zvironge kusangana zvakare neChipiri chesvondo rinouya.

Asi sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, Amai Tendai Chikowore, vati kana musangano weChipiri uyu ukasaburitsa chimuko, vashandi vehurumende vose vachapinda mukuramwa mabasa kubva nemusi weChina chesvondo rinouya.

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rakatokurudzira nhengo dzaro kuti dziramwe mabasa kubva musi weChipiri pakavhurwa zvikoro.

PTUZ inoti hurumende haisi kuratidza chido chekugadzirisa zvichemo zvevarairidzi pamwe nevamwe vashandi vehurumende.

Rimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association, Zimta, ranga richimirira kutanga ranzwa zvichabuda mumusangano waitwa uyu kuti rizotorawo matanho.

Vashandi wehurumende vari kuda kuti mushandi wepasi atambire mari inoita $538.00 pamwedzi, kubva pa$258.00 yaari kutambira pari zvino. Asi hurumende inoti haina mari iyi.

XS
SM
MD
LG