Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoramba Mari Dzavari Kuwedzerwa


Map of Zimbabwe

Vashandi vehurumende vanoti havasi kufara nemari dzemihoro dzawedzerwa nehurumende, idzo vanoti kutsvinya chaiko kwaita nehurumende.

Hurumende inonzi yawedzera mushandi wepasi nemari inoita madhora manomwe, kotiwo veruzhinji vachiwana madhora ari pakati pegumi nerimwe kusvika pamadhora makumi maviri nerimwe.

Izvi zvinotevera musangano waitwa neChipiri pakati pevamiriri vehurumende nevamiriri vevashandi, pasi pehurongwa hweNational Joint Negotiating Council.

Vari kutungamira vashandi muhurukuro dzemihoro, Amai Tendai Chikowore, vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho nekukasika, vanhu vasati vafa nenzara sezvo mari dzavari kutambira dziri pasi. Vatiwo vachasangana nenhengo dzavo kuti vaone gwara rekutora.

Sangano rinomirira varairidzi rePTUZ rinoti harisi kufara nemari yapiwa nehurumende, rakati richaramba richitaura nehurumende kuti ione zvaingaite. Munyori mukuru wesangano iri, VaRaymond Majongwe, vavimbisa kuti varairidzi vari musangano ravo havasi kuzokanganisa temu itsva nekuramwa mabasa.

Vashandi vehurumende vanga vachida kuti mushandi wepasi atambire mari inotangira pamazana mashanu emadhora ekuAmerica, iyo vanoti inofambirana nePoverty Datum Line.

Masangano akawanda anomirirawo vashandi ari kuti vashandi vangangoramwa mabasa kana mari dzemihoro dzikasawedzerwa zvine musoro.

ZCTU inotiwo vashandirwi vanofanirwa kuwedzera vashandi vavo mari dzemihoro, sezvo zvinhu zvava kutarisika zvakanaka munyaya dzeupfumi.

Munyori mukuru wesangano rinomirira varairidzi reZimta, VaSifiso Ndlovu, vaudza Studio7 kuti vatotanga kuzivisa nhengo dzavo zvabuda mumusangano uyu, uye vari kutarisira kunzwawo pfungwa dzavo kuti vaone gwara rekutevera.

XS
SM
MD
LG