Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowedzera Vashandi Vayo Mari dzeKubatsirikana


Zimbabwean Civil Servants march through the streets of Harare (File Photo).
Zimbabwean Civil Servants march through the streets of Harare (File Photo).

Vamiriri vevashandi vehurumende vanoti vakawirirana neChipiri nehurumende kuti mari yayakaisa patafura semari yekuwedzera mihoro yevashandi, ishandiswe semari yekuwedzera mari dzekubatsirikana.

Mari yekufambisa yemushandi wepasi pasi ari muGrade B1, yakwira kubva pamadhora makumi mana nemana pamwedzi kusvika pamadhora makumi matanhatu nematatu pamwedzi. Mari yekubatsirika nepekugara yakwirawo kubva pamadhora makumi mashanu kuenda pamadhora makumi manomwe nemana pamwedzi.

Mari yemuhoro inotambirwa nemushandi wepasi pasi yaramba iri pazana nemakumi mashanu ane madhora mapfumbamwe pamwedzi. Mari dzekubatsirikana idzi dzichatambirwa kubva muna Ndira.

Izvi zvinenge zvave kureva kuti mari yemushandi uyu yose yasanganiswa yave kukwira kubva pamazana maviri nemakumi mashanu ane madhora matatu, $253.00 kusvika pamazana maviri nemakumi mapfumbamwe ane madhora matanhatu, $296.00.

Izvi zvinoreva kuti mushandi wepasi pasi awedzerwa nemadhora makumi mana nematatu pamwedzi, $43.00 semari yekubatsirikana.

Sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti vari kuramba vachirwisa kuti mari dzemihoro dziwedzerwe, izvo zvaita kuti vasvitse tsamba yekukumbira kubatsirwa kumahofisi emutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti mushandi wepasi atangire pamazana mashanu nemakumi matatu ane madhora masere, $538.00 pamwedzi. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi kunyange hazvo hurumende ichiti haina mari.

Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo rakatsamwiswa zvikuru nechiitiko ichi.

VaMajongwe vanotiwo ichi chinofanirwa kuve chidzidzo kuvashandi vose vehurumende kuti vanofanirwa kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru panyaya dzemihoro.

XS
SM
MD
LG