Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Vashandi veRioZim Voyaura neNhamo


Mine workers Zimbabwe
Mine workers Zimbabwe

Vamwe vevashandi vanosvika zviuru zviviri vakamiswa basa pamakambani matatu eRioZim vanoti vave kunonga svosve nemuromo sezvo vange vave nemwedzi miviri vasati vatambira mari dzavo apo vakazomiswa basa.

Vakamiswa basa ava vaishanda mumigodhi yegoridhe inoti Cam and Motor, Dalny neRenco.

Vati vakamanikidzwa kuenda kunozorora kwenguva isina kutarwa nekuda kwekuti makambani ainge asisina mari yekuAmerica yekutenga zvekushandisa kunze kwenyika.

Sachigaro wekomiti inomiririra vashandi, VaPrince Mpla, vati vashandi vakamanikidzwa kuenda kuzoro zvichinzi kambani haichisina mari sezvo bhangi guru renyika riri kutadza kuvapa mari dzavo.

VaMpla vati vakuru vekambani vanoti havasi kuwirirana pamari yavari kupihwa kubva mugore ra2016.

Vachitaura nhasi mushure memusangano nevakuru vakuru vekambani muKadoma, VaMpla vati havasi kuwirirana nevakuru vekambani avo vari kuda kupa vashandi mari inoita madhora makumi mashanu nemashanu pasvondo kuti vashandise vakamirira nhaurirano dziri pakati pehurumende nekambani iyi kuti vapihwe mari yekuAmerica yavari kuda.

VaMpla vati pamusoro pemari iyi, kambani yati ichapa mushandi wega wega upfu makirogiramu gumi, tsigiri makirogiramu maviri, mafuta marita maviri, sipo yekugeza nekuwatya imwe chete, munyu nemasamba izvo vati zvishoma.

Mumwe mushandi akamiswa basa, VaTryson Mwale, vati ichokwadi kuti vakavimbiswa zvekudya asi vanoti hazvikwane.

VaMwale vati vanoda mari yekubhadhara maporisi, kubhadhara pekugara pamwe nemari yechikoro.

VaMwale vati pane kuti kambani ivape zvekudya, inofanira kuvapa mari dzemihoro vozvitengera zvinhu zvavanoda.

VaMwale vati hapana matsamba avakapihwa ekuvamisa basa asi vakamanikidzwa kuti vanozorora.

Mudzimai wemumwe mushandi akamiswa basa, Amai Chenai Katsokoto, vati zvinhu zvavaomera zvekuti havachisina chekupa vana kuti vadye.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG