Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vazhinji Vari Kutambira Mari Shoma


Vashandi vakawanda munyika vanonzi vari kutambira mari dziri pasi kwazvo pePoverty Datum Line, inove mari inodiwa nemhuri ine vanhu vashanu, kana consumer basket, inove mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu.

Pari zvino Poverty Datum Line iri pamari inoita $467.00 kubva mune zvakaburitswa mumwedzi waZvita wegore rapera.

Ukuwo mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu ye consumer basket iri pa$502.00 kubva mune zvakaburitswa mumwedzi waNdira wegore rino.

Vashandi vazhinji vari kuda kuti mari dzavo dzemihoro dzitangire pa$502.00 pamwedzi. PDL inoburitswa nesangano reZimbabwe National Statistical Agency, Zimstat, ukuwo consumer bread basket ichiburitswa neConsumer Council of Zimbabwe.

Nyanzvi mune zveupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudza Studio7 kuti musiyano uripo pakati peongororo idzi ndewekuti unoburitswa nemasangano maviri akasiyana, asi chete kuti Consumer Council inonyanyotarisa zvinodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu.

XS
SM
MD
LG