Accessibility links

Breaking News

Vashandi veNewZimsteel Voyaura Hurumende Ichinetsana neEssar


Dare remakurukota neChipiri rinonzi rakatenderana kuti rigadzirise zviri kunetsa pakati pehurumende nekambani yekuIndia, yeEssar, izvo zvava kupa kuti vashandi veNew Zimsteel, vatadze kubhadharwa mari dzavo.

Kambani yeNewZim Steel, iyo yaimbozivikanwa kuti Ziscosteel, ine vashandi vanosvika zviuru zvitatu vari kuchema nerekuti havasi kubhadharwa.

Essar payakatenga Zisco yakabvuma kubhadhara zvikwereti zvaive nekambani iyi kusanganisira mari dzemudyandigere dzevashandi vainge vasiya basa kare.

Asi zvinhu zvinenge zvonetsa nekuda kwekusawirirana pakati pegurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu.

Zisco payakatengeswa yaive pasi pebazi rezvemaindasitiri, asi yakatengeswa ichibatanidzwa nemugodhi weBuchwa Mine uri pasi pebazi rezvemigodhi.

Kutengeswa kwemugodhi uyu, uyo uri pasi pebazi rezvemigodhi ndiko kwopa kuti paite ropa rakaipa pakati paVaNcube naVaMpofu.

Vashandi vanoti nekuda kwekukandirana nyoka mhenyu kwevaviri ava, vave kuronga kukwidza nhunha dzavo kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

NeChipiri vashandi ava vakamiswa pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvemaindasitiri vachipa humbowo wezviri kuitika mukambani iyi. Vashandi ava vaudza komiti iyi kuti vave kunonga svosve nemuromo nenyaya yekusabhadharwa.

VaNcube vati dare remakurukota rakati Zimbabwe inofanira kuzadzikisa chibvumirano neEssar kuitira kuti NewZim Steel isawire mumadhaka.

VaMpofu vanoti vanoda kuti chibvumirano chienderere mberi, asi pane zvirehwa rehwa zvinoda kugadziriswa panyaya yeBuchwa sezvo isiri pasi paVaNcube kunyange vakaiisa muchibvumirano chavo.


Sachigaro wekomiti yevashandi yeZiscosteel Joint Unions Committee, VaBenedict Moyo, vanoti vachakwidza nyaya yavo kuna VaMugabe nekuti makurukota haasi kubata nyaya iyi nenzira kwayo..

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemaindasitiri, VaWilliam Mtomba, vanomiririra Zanu-PF kuBuhera North, vanoti kambani yeEssar ndiyo isiri kuzadzikisa chibvumirano.

Nyanzvi munyaya dzevashandi, VaWellington Chibebe, vanova mutevedzeri wemunyori mukuru musangano reInternational Trade Union Confederation vanoti vashandi vanokwanisa kuenda kumasangano akaita seravo kuti nyaya iyi igadziriswe.

XS
SM
MD
LG