Accessibility links

Breaking News

VaShamu Vanoti Mabhodhi eBAZ neZBC Achagara Aripo


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vanoti mabhodhi eBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, neZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, akasarudzwa zviri pamutemo uye havasi kuzoasandura sezvo kuita izvi kunenge kuri kutyora mutemo wenyika.

VaShamu vaudza neChina komiti yeparamende inoona nezvebuburitswa kwemashoko, kuti hapana chavakakanganisa pavakudoma mabhodhi eBAZ neZBC. VaShamu vanoti vari kuti mabhodhi aya adomwe patsva mapato ese ari muhurumende achiva nekuchekuita pakudomwa kwawo, havasi kuziva zvavari kutaura.


Vati vakatevedza mutemo pakudoma mabhodhi aya. Varatidzawo humbowo kukomiti iyi hwedare reparamende rakapa bazi ravo mazita evanhu vakadomwa kuve nhengo dzemabhodhi aya sezvinodiwa pamutemo.


Zvikwata zveMDC zviviri muhurumende zvinoti mabhodhi eBAZ neZBC anofanira kudomwa patsva uye anoti VaShamu vari kuramba kuita izvi kunyange hazvo vakanzi vagadzirise nyaya iyi nemutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.


Asi VaShamu vati vatatu ava vanoziva kuti mabhodhi aripo akadomwa zviri pamutemo uye kana vari kuda kuti ashandurwe, hurumende inofanira kutanga yashandurawo mutemo.
VaShamu vati vanofara chose nebasa riri kuitwa nemabhodhi maviri aya.

Kutanga kwemwedzi uno VaTsvangirai vakakurudzira VaMugabe kuti vadzinge basa VaShamu nenyaya yavo yekuramba kuvandudza mabhodhi eBAZ neZBC.


VaShamu vatiwo hurumende inodawo chose kuti munyika muve nemarhedhiyo ekumatunhu, community radio stations, asi vati zvakakosha kuti marhedhiyo aya ave evanhu vanogara mumatunhu. Vatiwo nyika dzekunze pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira haasi kuzobvumidzwa kuisa mari munhepfenyuro idzi.


Panyaya yekunyunyuta kuri kuita veruzhinji zvichitevera kupihwa marezenisi kumakambani e AB Communications neZimpapers Talk Radio, VaShamu vati vanhu vanofanira kupa makambani aya mukana wekuti aende pamhepo kwete kuashoropodza asati aenda pamhepo.


Sachigaro weBAZ, VaTafataona Mahoso, vaudzawo komiti iyi kuti bhodhi ravo rakapa marezenisi enhepfenyuro zviri pachena pasina kupindira kwehurumende.


VaShamu vatiwo vatori venhau vakasununguka kushanda nebazi ravo pane mitemo yavanoda kuti isandurwe vachiti bazi ravo rinoda kuti vatori venhau vashande vasingambunyikidzwi.
VaShamu vatiwo dare remakurukota riri kushushikana chose nenyaya yemashoko ekutukana nekukonzera nyonga mumapepanhau.

Dzimwe nyaya dzazeyiwa ndeye ZBC yekuburitsa nhau dzebato rimwe chete. Sachigaro wekomiti iyi, VaSettlemnt Chikwinya, vati ZBC inofanira kuburitsawo mamwe masangano ari muhurumende.


Mukuru weZBC, VaHappison Muchetchetere, vati ZBC haiburitse nyaya dzemamwe mapato nekuti vanenge vasina ruzivo rwekuti mapato aya ari kuita chii. Vatiwo dzimwe nguva vatori venhau veZBC vanotandaniswa pamisangano yeMDC.

XS
SM
MD
LG