Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vadoma Makomiti Achange Achiona Hupfumi hweMakambani


Gurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, Va Savior Kasukuwere, vanonzi vadoma makomiti ane tsama achange achiona nezvekuendesa hupfumi kuvanhu vatema munyaya dzakasiyana siyana.

Vadomwa kunge vachitungamira makomiti aya, vazhinji vavo vanonzi inhengo dzeZanu PF, uye vamwe vavo vaimbova vakuru muchiuto.

Vanhu ava vanosanganisira Retired Major-General Gilbert Mashingaidze, Retired Air Commodore Mike Karakadza nevamwe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti makomiti aya achaita kuti makambani ekunze atye kupinda munyika kuzosima hupfumi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti nyaya yehupfumi inofanirwa kubatwa nehungwaru.

XS
SM
MD
LG