Accessibility links

Breaking News

VaSalomao Vanoti Zanu-PF Ngaitevere Gwara Kwaro Kana Isingadi Muyananisi VaZuma


Vakuru vesangano resadc pamwe neSouth Africa vakurudzira Zanu-PF kuti itevere gwara kwaro kana iine chichemo pamabatiro basa kwemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, pagakava riri muZimbabwe.

Vakaoma musoro muZanu-PF vanonzi vari kuda kuendesa nhumwa kuvatungamiri veSADC vachikumbira kuti VaZuma vasiye chigaro chekuva mutongi gava panyaya yeZimbabwe sezvo vanenge votora chigaro chekuva sachigaro weSADC Troika munyaya dzezvematongerwo enyika mwedzi uno.

Bepanhau reHerald, iro rinorerekera kuZanu-PF, riri kuti zviri pachena kuti nyoka huru haizvirume nekudaro hazvingaite kuti VaZuma vaite mabasa maviri rekuva mutongi gava nerekuva sachigaro sezvo mutongi gava achifanira kuenda kuna sachigaro weSADC Troika nezvaanenge awana.

Vakaoma musoro ava vanonzi vari kutungamirwa nevaimbova gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, avo vari kurwa hondo yavo naVaZuma, vanoti vanoda kuti mutongi gava muZimbabwe ave mutungamiri wenyika ave pamudyandigere.

Asi munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vaudza Studio7 kuti hapana chakaipa kuti VaZuma vaite mabasa maviri aya nekuti VaMbeki vakazviita muna 2008 pasina dambudziko. Vatiwo kana paine ane chichemo anofanira kunyora kwavari zviri pamutemo.

Mashoko aya atsinhirwa nechipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, avo vati hapana ati ataura nyaya iyi zviri pamutemo uye vakati vari kuenderera mberi nebasa ravo.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition ratiwo zviri pachena kuti kugona kubata basa kwaVaZuma, uye kusarerekera divi kwavo, kwave kupa kuti vakaoma musoro muZanu-PF varotomoke.

Vati SADC inofanira kuomesera nyika dzakaita seZimbabwe, Swaziland neMalawi idzo dziri kutonga nedemo.

Chipangamazano musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti SADC inofanira kusaruma ichifuridzira panyaya yeZimbabwe.

XS
SM
MD
LG