Accessibility links

Breaking News

VaSakudya Voita Munhu weKutanga Kupora Kubva Kuchirwere cheCoronavirus muZimbabwe


Saul Sakudya
Saul Sakudya

Bazi rezvehutano razivisa kuti mumwe ainge abatwa nechirwere checoronavirus munyika ndokuchitapurirawo kumudzimai wake nevana vaviri kuRuwa, Mashonaland East, apora kubva muchirwere ichi.

Kunyange hazvo bazi rehutano risina kuzivisa zita remunhu uyu, Studio 7 yakwanisa kubata munhu uyu, VaSaul Sakudya avo vati vakavhenekwa kaviri sezvinokurudzirwa neWorld Health Organization vakaonekwa kuti vainge vasisina chirwere ichi.

Vanoti vamwe vatatu mumhuri yavo vakambovhenekwa kekutanga vakaonekwa kuti havasisina chirwere uye vamirira kunzwa kuti zvakavhenekwa nezuro zvinobuda zvakaita sei.

VaSakudya vati vanotenda Mwari nekupona kwavo asi vakakurudzira vanhu munyika kuti vagare mudzimba kuitira kuti chirwere ichi chisapararire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus munyika hwasvika pavanhu makumi nevatatu mushure mekunge vamwe vanhu vashanu vabatwa zvekare nechirwere ichi kuBulawayo.

Bulawayo yave nevanhu gumi vabatwa nechirwere ichi ichiteverwa neharare ine vasere, mashonaland east vana uye matabeleland north mumwe chete.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti hurumende iri kuvhura nzvimbo dzekuvhenekwa vanhu dzine chitsama kuBulawayo nekune mamwe matunhu.

Zvichakadaro, mumashoko atumirwa kuStudio 7 neAfrican Union achibva kusangano rinoongorora nyaya dzezvirwere muAfrica reAfrica Centres for Disease Control Prevention anoratidza kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi muAfrica hwakwira kusvika pachuru gumi nematanhatu ane mazana maviri nemakumi masere nemashanu. Vanhu vafa muAfrica vanosvika mazana masere nemakumi masere nemana.

Vapora vamosvika zviuru zvitatu ne zana rimwe chete nemamakumi mana nemaviri. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi muAfrica.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose vave mamiriyoni maviri uye vakawanda vacho vari muAmerica. Vanhu vafa pasi rose vave chiuru zana nemakumu matatu nematatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG