Accessibility links

Breaking News

Varwere Vonetsekana neKuramwa Mabasa kwaVanachiremba Vakuru


Varwere vazhinji vanonzi vaswera vachishaya pokutangira muzvipatara zvikuru zvehurumende nhasi sezvo vanachiremba vakuru vakatanga kuramwa mabasa nezuro vachiti vawandirwa nebasa zvichitevera kudzingwa kuri kuitwa vanachiremba vadiki mabasa nehurumende.

Pasvika Studio 7 pachipatara cheParirenyatwa varwere vazhinji vanga vachigwesha nemadziro pachipatara vachishaya pekutangira sezvo vanachiremba vakuru vachiti havachakwanisi kuita basa nekuwandirwa nevarwere zvichitevera kudzingwa kuri kuitwa mabasa vanachiremba vadiki avo vave nemwedzi miviri vachiramwa mabasa.

Mumwe wevanga vauya nemurwere pachipatara ichi, VaNelson Madziwana, vati vaona zviri nani kubvisa murwere paParirenyatwa kuti anorapwa kune chimwe chipatara chakazvimirira sezvo vanga vakagarira guyo sembwa.

Mumwe wevanga vari pachipatara cheHarare Hospital, Amai Netsai Ngwerume, vatiwo kushayikwa kwanachiremba vakuru muzvipatara kwakonzera kuti vadzikise ruoko rwavo muhomwe kuti vanorapisa baba vavo kuzvipatara zvakazvimirira uko kwavanoti kuri kudiwa mari yekunze.

Gurukota rinoona nezvehutano, VaObediah Moyo vati bazi ravo riri pakati pekugadzirisa mapepa ekuti vapinze mabasa anachiremba vekuCuba senzira yekugadzirisa nyaya yekushayikwa kwavanachiremba muzvipatara avo vari kuramwa mabasa.

Sachigaro weHealth Service Board Dr Paulinus Sikosana vaudza Studio 7 vati kuramwa mabasa uku hakuna zvakunoreva nekuti vagara vasiri kunyatsoshanda. Vatiwo vachavadaidza kumatare sezvavari kuita vamwe vanachiremba vari kuramwa mabasa.

Asi sangano rinomirira vanachiremba vakuru reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association raburitsa mashoko ekuti vanachiremba vakuru havasi kuramwa mabasa asi havana zvikwanisiro zvinodiwa mukuita basa ravo.

Sangano iri ratiwo harisi kufara nedzimwe nhengo dzaro dziri kutumirwa matsamba eku misa basa kunyange hazvo nhengo idzi dzisina kumboramwa basa.

Sangano ravanachiremba vakuru iri ratiwo riri kushushikana zvikuru kuti hurumende haina hany’a nanachiremba rikati riri kurwadziwa kuti mumwe chiremba akapihwa tsamba yekupomerwa mhosva achitobva pakunovhiya murwere.

Muzvipatara munonzi hamuna mishonga majekiseni uye michina iri kutengwa nehurumende inenge iri yekare kare. Vanachiremba vari kutiwo nyaya iri kunetsa ndeyekuti vanamukoti vari kuuya kaviri pasvondo zvapa kuti kunyatsobatsire varwere kunetse.

Zvichakadai, mumwe chiremba mukuru uye vari mudzidzisi wezvidzidzo zvehutano paUniversity of Zimbabwe, VaEdwin Muguti, vaudza Studio 7 kuti kushayikwa kwanachiremba vadiki kunokonzera kuti anachiremba vakuru vatadze kuita basa ravo.

VaMuguti, avo vakambove mutevedzeri wegurukota rezvehutano, vakurudzira hurumende kuti itsvage nzira dzekugadzirisa nhuna dzavanachiremba vachiti kudzinga vanachiremba vadiki kunotowedzera dambudziko rekushayikwa kwavanachiremba munyika sezvo vachiti vanachiremba vagara vari vashoma munyika.

Dare remakurukota ehurumende nezuro rakaburitsa mashoko ekuti VaMoyo vakaudza dare iri kuti pave nana chiremba mazana mana nemakumi mana nevasere vadzingwa mabasa zvichitevera kuramwa mabasa uko kwapinda muzuva rechimakumi masere neshanu nhasi.

VaMoyo vakaudzawo dare remakurukota iri kuti bazi ravo rine hurongwa hwekubuditsa chiziviso chekutsvaga vamwe vanachiremba varikuda mabasa kuti vatsive vanachiremba vakadzingwa mabasa ava kuitira kuti ruzhinji rwusatambudzike.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG