Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya Vochema Chema Nekunonoka Kubhadharwa neNguva


Tobacco auction in Harare
Tobacco auction in Harare

Misika yefodya yakavhurwa masvondo maviri apfuura hurumende ichivimbisa kuti varimi vachabhadharwa nechimbichimbi uye nemitengo inofadza asi izvi handizvo zviri kuitika sezvo varimi vakawanda vari kugun’una vachiti vari kunonooka kubhadharwa.

Vachivhura misika yefodya muHarare, gurukota rezvekurima, Doctor Anxious Masuka, pamwe nasachigaro wekambani yehurumende inoona nezvekutengeswa kwefodya yeTobacco Industries Marketing Board, VaPat Devenish, vakavimbisa kuti varimi vachabhadharwa nenguva.

Asi varimi vanoti zviri kutora mazuva akawanda kana svondo chairo fodya yatengwa vasati vabhadharwa, izvo zvinoita kuti vatambure nepekurara nechikafu.

Mumwe asina mufaro ndiVaRenias Chakanyuka vave nemakore gumi nemana vachirima fodya.

Vati vano shungurudzwa nekunyimwa zvimbuzi pamisika yefodya pamwe nekurambidzwa kupinda pamisika kuti vanoone fodya yavo ichitengeswa.

Vaenderera mberi vachiti varimi vari kutora nguva yakareba vasati vawana mari yavo izvo zvinowedzera mikana yavo yekubata zvirwere zvakaita seCovid-19.

VaNathan Shortie vekuMt Darwin, vatiwo havasi kufara kuti zviri kutora nguva kuti vabhadharwe mari yefodya izvo zvino zovapinza mumatambudziko sezvo vasina pekurara muHarare.

Vati vanorara panze izvo zvinoita kuti vasangane nematambudziko akawanda anosanganisira mbavha nepfambi.

Ambuya Dzamara avo vanorima vari kuMacheke vati zvino suwisa kuti vanoshungurudzwa kumisika mushure mekuisa simba rakawanda vachirima fodya.

Vaenderera mberi vachiti havawoni chikonzeero chekuti varamba vachirimba fodya nekuda kwematambudzikko avakatarisa nawo.

Mukuru werimwe remasangano anomirira varimi munyika reZimbabwe Farmer Union, VaPaul Zakaria, vaudza Studio 7, kuti chikamu chesangano ravo chinoona nezvekurimwa kwefodya chakatovanyorera tsamba chichivazivisa nezvematambudziko akatarisana nevarimi kumisika nedzimwe nzvimbo dzinotengeswa fodya.

VaZakaria vati panoda kuitwa ongororo yekuti zvinhu zviri kufamba sei pamisika kubva zvayavhurwa kuti pari kunetsa pakagadziriswe.

Vatiwo zvinoda kuti vese vane chekuita nefodya, varimi, mabhanga, TIMB, misika nevamwe vashande pamwe chete kupedza matambudziko ariko pari zvino.

Zimbabwe ine misika mitatu inotenga fodya muHarare inoti Tobacco Sales Floor, Boka nePremier.

Kunze kwemisika iyi, kune mamwe makambani akazvimirira kana kuti maContractors anotengawo fodya muHarare nezvimbo dzakaita seMarondera, Bindura, Mvurwi Karoi neRusape.

Mukuru wekambani yehurumende inoona nezvekutengeswa kwefodya, Doctor Andrew Matibiri, vaudza Studio7 kuti hazvifaniri kutora mazuva matatu murimi asati abhadharwa.

Pachikumbiro chekuti mabhanga avhure pamisika yefodya, VaMatibiri vati izvi hazvibvumidzwe pasi pemitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Dr Matibiri vatiwo varimi, vanofanirawo kurongeka nekutevedza zvese zvinodiwa kuti vasasangane nematambudziko kana kunonotswa pakutengesa kwefodya yavo.

Huwandu hwevarimi vari kurimwa fodya hwaka kwira kusvika pazviuru zvinodarika zane nemakumi mana nemanomwe ane mazana mapfumbamwe nemakumi matatu nerimwe 147, 931 gore rino kubva pazviuru zana nemakumi mana nemashanu ane mazana matanhatu nemakumi maviri nemashanu kana kuti pa145 625 gore rapera,

Gore rapfuura nyika yakawana mamiriyoni mazana manomwe nemakumi masere nemaviri emadhora ekuAmerica (US$782) uye gore rino inotarisirwa kuwana mari yakawanda kupfuura apa.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG