Accessibility links

Breaking News

Vari MuMDC Alliance Voramba Kutambira VaMnangagwa


VaNelson Chamisa

Vebato rinopikisa reMovement for Democratic Change avo vanoti vari kukwira kudare re reAfrican Union reAfrican Commission on People’s Rights vanoti havasi kutambira zvachose hutngamiri hwaVaMnangagwa.

Mutauriri wemutungamiri weMDC Alliance Doctor Nkululeko Sibanda vanoti mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa havana kuenda nekuti havasi kuwirirana nekutorwa kwemhiko naVaMnangagwa.

Doctor Sibanda vashorawo nyaya yekunetsana kwavanoti kutri kubuda pakati paVaMnangagwa naVaChiwenga.

Panyaya yenhaurirano, Doctor Sibanda vati havasati vasumwa zviri pamutemo.

VaChamisa vakaudza vatori venhau nezuro kuti vane humbo hwekuti vakabirirwa musarudzo uye vanoti ndivo vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Mutungamiriri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume vanovawo nhengo yeMDC Alliance vanoti kunyangwe hazvo VaMnangagwa vagadzwa hapana chavanotarisira kuchinja munyika munyaya dzerugare nerunyararo.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, nhengo yeMDC Alliance zvekare VaKurauone Chihwayi vanoti kunyangwe hazvo VaMnangagwa vataura zvakanaka nemashoko ekuvaka muromo hauzarirwe nerwizi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaDzikamai Bere vati kubatana munyika kwakanaka. Asi vatiwo izvi zvinogoneka chete kana bato reZanu PF raremekedza kodzero dzevanhu uye kuremekedza bumbiro remutemo.

Munyika hamuna kugadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika izvo zviri kupawo kuti kugadzirise nyaya dzezvehupfumi kunetse.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Pedzisayi Ruhanya vanoti VaChamisa kana vachitaurirana naVaMnangagwa vanofanira kutaura kuona kuti vangavandudze sei zviri kunetsa zvakafana nesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG