Accessibility links

Breaking News

Vari kuMamisha kuChipinge Voyambirwa Kudzoka neHukasha kweCovid-19


Sangano rePlatform for Youth and Community Development rinoti raparura zvirongwa zvekubatsira vanhu vari kumaruwa ekuChipinge, Manicaland kuti vanzwisise nezvechirwere pamwe nenhomba yeCovid-19.

Kunyangwe hazvo huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere ichi huri kuramba huchidzikira, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti chirwere ichi chinogona kudzoka zvine hukasha.

Mukuru wePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti vamwe vari kumaruwa havanawo chivimbo nenhomba yeCovid-19 uye zvekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakabayiwa nhomba iyi hazvina zvazvinonyanya kubatsira.

VaMadhuku vanoti munharaunda yavo zvingatoshanda kana kurudziro yekubayiwa nhomba ikabva kumadzishe, masabhuku, varairidzi nevamwe vanoremekedza mumamisha nekuti vanhu vane chivimbo navo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaparura chirongwa chechipiri chekubaya vanhu nhomba zviri pamutemo kuVictoria Falls nemusi weChitatu vachibva vabayiwawo nhomba iyi.

Hurumende inoti inoda kubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba.

Asi vanachiremba vari kuti huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba kusvika parizvino huchiri hwakaderera vachiti panoda dzidziso yakasimba kuti hurumende ikwanise kuzadzikisa chido chayo.

Hurukuro naVaClaris Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG