Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Votyisidzirwa neVasori Kuti Vanyorese Bvunzo dze "O Level"


Masangano evarairidzi anodarika masere anoti abvumirana kuti asaende kunyoresa bvunzo dzeOlevel dziri kutanga nemusi weChipiri.

Vamwe vakuru vezvikoro vasina kuda kudomwa nemazita vanoti vari kutambira mashoko kubva kuvasori vachivatyisidzira kuti vaone kuti bvunzo dzanyorwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevasori VaOwen Ncube sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi imwe tsamba iri mumaoko eStudio 7 inoratidza kuti masangano evarairidzi masere atsika madziro achiti hakuna bvunzo dzichanyorwa. Dare repamusoro rakatiwo hurumende itange yapa zvikoro zvikwanisiro isati yati bvunzo dzinyorwe.

Mutungamiri wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ VaObert Masaraure vari kukurudzira vadzidzisi vose kuti vasaende kunonyoresa bvunzo mangwana uye vakatiwo vabereki vasaende nevana kuzvikoro kunonyora bvunzo idzi.

VaMasaure vanotiwo bazi rezvedzidzo harisi kubuda pachena kuti vanonyoresa bvunzo vanopihwa marii?

Izvi zvatsigirwa nemunyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe-PTUZ-VaRaymond Majongwe vanoti hurumende iri kuisa hupenyu hwevadzidzisi nevadzidzi munjodzi huru

Mukuru webazi reZimbabwe Teachers Association-ZIMTA- VaSifiso Ndlovu vanoti hurumende haina kugadzirira vachiti kusvika panguva dzemasikati neMuvhuro zvikoro zvakawanda zvanga zvisati zvawana zvikwanisiro zvekudzivirira kutapuriranwa kwecovid19 zvakaita semaface mask kana mathemometer.

Mumwe mudzidzisi mudunhu raMashonaland West VaRosten Mutapa vanoti zviri pachena kuti hurumende haina kugadzirira sezvo iri kuchinja nzvimbo dzekunyorera bvunzo izvo vanoti richava dambudziko mangwana kuvana vari kunyora.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvedzidzo Amai Nokutuka Gamanya vanoti semaonero avo vamwe vadzidzisi vachaenda kunonyoresa bvunzo sezvo vachitya kuburitswa mabasa.

Mutevedzeri wemukuru mubazi rinoita zvebvunzo reZimbabwe School Examination Council-ZIMSEC- mudunhu reMashonaland West Amai EthelMangena varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti titaure nemukuru wavo kuHarare Amai Nicolet Ndlamini avo vati tivatumire miubvunzo asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.

Asi gurukota rezvedzidzo VaCain Mathema vakaudza komiti yeparamende inoona nezvedzidzo masvondo mashoma apfuura kuti bazi ravo richagadzirira bvunzo zvizere.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG