Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voramba Kutambira Mari Iri Kuwedzerwa neHurumende Vachiti Ishoma


Doctor Takavafira Zhou

Hurumende yakazivisa neMuvhuru kuti yainge yawedzera mari yemihoro yevashandi vayo nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kubva pazvikamu gumi kubva muzana chete zvayainge yavimbisa vashandi vayo.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa nehurumende nerimwe sangano rinomirira vashandi vayo reApex Council kuburikidza nemusangano weNational Joint Negotiating Council.

Mari iyi ichawedzerwa kutanga muna Chikunguru.

Asi mamwe masangano evarairidzi akaita se Progressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ ari kuramba kutambira mari iyi achiti ishoma.

Mutungamiri wePTUZ Doctor Takavafira Zhou vaudza Studio 7 kuti hurumende inobata varairidzi neseri kweruoko uye havasi kufara zvchose.

Asi vati vachambotanga vadzokera kuvarairidzi vasati vatora matanho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG