Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voenderera Mberi neKufora Vachiratidzira Vakananga kuHarare Mushure Mekumbomiswa neMapurisa


ARTUZ

Vachuchisi vekumatare ekuMarondera nemusi weMuvhuro vakaramba kuti nhengo pfumbamwe dzesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ idzo dzakasungwa kuMacheke dziri pakati pekuratidzira dzimiswe mudare dzichipomerwa mhosva.

Nhengo pfumbamwe dzeAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, idzo dzakasungirwa kuMacheke neMugovera dziri pakati pekuratidzira dzichifamba kubva kwaMutare kuenda kuHarare dzasvika pamatare apa dzichiimba dzakatakura zvinyorwa zvanga zvichikurudzira hurumende kuti ibhadhare varaidzi mari dzemihoro nemadhora ekuAmerica pamwe nekubvisa mutero wezvikamu zviri kubva muzana wakadzikwa nebazi rezvemari munguva yapfuura.

Vasungwa ava avo vanga vachimiririrwa nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights havana kuzomiswa pamberi pedare mushure mukunge vachuchisi vepamatare amejasitiriri muMarondera varamba kuti vamiswa pamberi pedare vachiti mapepa anga aunzwa nemapurisa haaratidzi kuti pane mhosva yakaparwa sezvo masangano akaita seARTUZ achibvumidzwa kuratidzira murunyararo.

Mapurisa akange apomera vasungwa ava mhosva yekuita musarinya pamwe nekuungana achiratidzira zvisiri pamutemo. Zvataurwa nevachuchisi zvatsinhirwa nemutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure.

Mushure mekuramba kwaita vachuchisi kuti vasungwa ava vamiswe pamberi pematare, nhengo dze ARTUZ idzi dzakabva dzasimudzira kuratidzira kubva pamatare apa dzichiimba dzakananga kuHarare kwadzinoti dziri kuda kunoona gurukota rezvemari VaMthuli Ncube kuti dzivapire zvichemo zvavo.

Asi nhengo idzi dzisina kumbofamba chinhamwe chakareba kubva mudhorobha reMarondera, motokari nhatu dzemapurisa anorwisa mvongamupopoto dzakabva dzasvika ndokumbovarambidza kuratidzira kusvika magweta avo azopindira.

Zvichakadaro, sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rakurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa kuti vazadzikise zvavanogara vachitaura zvekuti vanoda kuti Zimbabwe iremekedze mutemo.

Sangano iri rati kushungurudzwa kwevarairidzi munongedzo wekuti hurumende yavo haisi kuremekedza mutemo sezvo bumbito remutemo richitendera vanhu kuratidzira murunyararo.

Crisis in Zimbabwe Coalition yati matambudziko munyaya dzezvehupfumi munyika ari kukonzerwa nekusagona kutungamira kwehurumende iyo yave kutyora kodzero dzevanhu pane kugadzirisa zviri kunetsa.

Mashoko aya atsinhirawwo negweta rinoshanda nesangano rinorwira kodzero dzevanhu kuchamhembe kweAfrica, reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, avo vashora kushungurudzwa kuri kuitwa vadzidzisi ava nehurumende yaVa Mngangagwa vachiti hurumende inofanira kunzwa zvichemo zvavo kwete kuvashungurudza.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira VaConrad Gweru vati hurumende yaVaMnangagwa iri kuratidza pachena kuti haikoshese bumbiro remitemo iro rinobvumidza masangano anomirira vashandi akaita seARTUZ kuratidzira murunyararo chero nguva.

Nhengo dzeARTUZ idzi dzinoti dzakatarisira kusvika kuHarare nemusi weChitatu apo dzinoti dzichapa gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube gwaro rine nhuna dzadzo.

Nhengo idzi dzinoti hurumende inofanira kubhadhara vashandi vehurumende nemari yekuAmerica dzichiti mari yemhando yema bond notes yakangofanana nemutero wembwa dzichiti mari iyi haisi kudzikwanira sezvo zvinhu zvizhinji munyika zvave kungotengeswa nemari yekunze.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG