Accessibility links

Breaking News

Progressive Teachers Union of Zimbabwe Inoti Hurumende Ngaibhadhare Varairidzi Madhora ekuAmerica


Takavafira Zhou
Takavafira Zhou

Sangano re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti hurumende inofanirwa kubhadhara varairidzi nemadhora eku America kwete kuvapa ma bond notes nema RTGS senzira yekuvatambirisa nayo.

Izvi zvinotevera kuziviswa kweveruzhinji nebazi rezvemari nezvehurongwa hutsva hwemafambiro achaita mari kumabhanga.

Mugwaro raburitswa nesangano iri, mutunganmiri wesangano PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti hurumende inofanirwa kumanikidzwa kuita izvi nekuti nhaurirano dzemihoro yavo dzakaitwa pachishandiswa madhora eku America.

VaZhou vanoti mari iyi haifanirwi kuchinjwa nekuti kudonha kuri kuita huremu hwemabond notes kuri kusiya mari dzavanotambira dzave shoma zvikuru.

VaZhou vanoti mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira zuva nezuva uye vana chiremba muzvipatara nevanotengesa mishonga yevarwere, vave kuda kubhadharwa nemari dzekunze chete. Vanoti varairidzi havangagoni kuita basa ravo nemazvo ivo vaine nzara.

VaZhou vanoti haizi nyore kuti hurumende inzwisise zvido zvevarairidzi nekuti hainzwisisi matambudziko avanosangana nawo nekuda kwekuti vakuru muhurumende vanenge vagere zvakanaka.

Vatiwo panofanirwa kuve nenhaurirano pakati pevashandi nevashandirwi mari dzisati dzakwidzwa kana kudzikiswa kwete kungomuka hurumende yakatotora danho pasina kutaurirana nevarairidzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG