Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vari Kuramwa Mabasa Vopomera Zanu-PF nePSC Mhosva yeKuvatyisidzira


Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinoti nhengo dzaro dziri kuramwa mabasa dziri kushungurudzwa zvakanyanya nevePublic Service Commission kna kuti PSC nenhengo dzeZanu-PF.

Asi hatina kukwanisa kubata vePSC kana mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwe divi ravo sezvo nhare dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Nhengo idzi dzinoti dziri kuda kuti dzitambiriswe mari yadzo yemihoro nemari yekuAmerica. Asi mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakatozivisa kare kuti hurumende haina mari iyi.

Mamwe masangano evarairidzi anoti reZIMTA nePTUZ anoti nhango dzavo dziri kutanga kuratidzira nemusi weChipiri.

Asi sachigaro weAPEX Council Amai Cecilia Alexander vanoti vamwe vashandi vari kuti vanoda kumbopa hurumende nguva yekuti itsvage mari.

Asi munyori mukuru weARTUZ VaRobson Chere vanoti vakatotanga kare kuratidzira uye havasi kuzodududza kusvika zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Hurukuro naVaRobson Chere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG