Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Vave Kuda Kutaura naVaMnangagwa Sezvo Makurukota Avo Akundikana paNyaya yeMari


Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reZIMTA, VaRichard Gundani vanoti vanyorera tsamba kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vapindire panyaya yemihoro yavari kutambiriswa sezvo vachiti makurukota avo akundikana.

Kubva zvakavhurwa zvikoro mukupera kwaGunyana, varairidzi vange vachiramwa mabasa nenyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi VaPaul Mavima kana gurukota redzidzo VaCain Mathema nemutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba sezvo vange vari mudare remakurukota.

Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati hurumende ichatanga ikozvino kupa mhuri yemushandi wayo anenge afa mari inosvika madhora mazana mashanu ekuAmerica. Vashandi vanoti izvi hazvibatsire uye mari yacho ishoma.

Hurukuro naVaRichard Gundani
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG