Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Hurumende Yava Kuvarambidza Kutaura nezveMamiriro Akaita Covid-19 muZvikoro


Vatungamiri vePTUZ
Vatungamiri vePTUZ

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro apo riri kupomera hurumende mhosva yekuda kuvarambidza kurova bembera nezvenyaya iyi.

PTUZ inoti varairidzi nevana vezvikoro vazhinji vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 muzvikoro zvavanodzidza.

Mutungamiri wesangano rePTUZ Doctor Takavafira Zhou, vanoti havazivi kuti sei hurumende ichiramba kushanda nevarairidzi mukugadzirisa nyaya dziri kunetsa muzvikoro sezvo kuri kuedza kuisa misoro pamwe chete mukuchengetedza hutano hwevadzidzi nevarairidzi.

Doctor Zhou vati hurumende iri kutadza kuindesa rubatsiro rwechimbichimbi kuzvikoro, izvo vanoti zvava kukonzera kupararira kwechirwere ichi muzvikoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti vari kukwanisa kurwisa denda iri nekuvheneka vadzidzi vachipatsanura vari kurwara. Vati vari kufara nebasa ravari kuita uye zviri kuitika muchikoro munongedzo wemamiriro ezvinhu munharaunda chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG