Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Havasi Kuzodududza Pakuratidzira Nhasi


Rimwe sangano rinomirira varairidzi reZimbabwe Teachers Association, Zimta, rinoti nhengo dzaro pamwe nenhengo dzerimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe dziri kuenderera mberi nehurongwa hwekuramwa mabasa kutanga nhasi sezvo pasina zvaitwa nehurumende pazvichemo zvavo.

Nezuro gurukota rezvedzidzo yepasi Muzvinafundo Paul Mavhima vakashevedzera musangano wechimbichimbi nevamiriri vemasangano evarairidzi vachiedza kumisa kuramwa mabasa uku, asi varairidzi vakati hapana chine musoro chakabuda mumusanganon uyu.

Mamwe masangano evarairidzi anosanganisira revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe neProfessional Educators Union of Zimbabwe, anoti ari kutsigirawo hurongwa hwekuramwa mabasa uhwu.

Mutungamiri weZimta, VaRichard Gundani vanoti mutemo unovabvumidza kuratidzira nekudaro vachaenderera mberi nehurongwa hwavo.

Hurukuro naVaRichard Gundani
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG