Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vakawanda Voramwa Mabasa Pakuvhurwa KweZvikoro, Asi Hurumende Ichiti Mugariro Vachadzoka Havo


Zvikoro zvavhurwa zvakavhurwa neMuvhuro asi vadzidzi vakawanda vavo asiri kufara nemari dzavari kutambiriswa havana kuenda kubasa zvapa kuti vana vakawanda vadzokere kumba.

Asi mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti kazhinji panovhurwa zvikoro varairidzi vanenge vari vashoma vozowanda nekufamba kwenguva.

Vati varairidzi vanodarika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana vange vari pabasa. Asi masangano evarairidzi, vana nevabekere vanoti kusvikoro kwange kusina kana varairidzki

Mumwe mudzidzi wegwaro repasi pachikoro cheLomagundi muChinhoyi watisingagone kudoma nezita sezvo achiri mudiki anoti kuchikoro hakuna vadzidzisi vakauya uey vakadzoserwa kumba

Vadzidzisi vari kuti havasi kuzoenda kubasa kana hurumende isati yavapa mari dzemihoro dzinovakwanira. Pamusoro pemihoro inokwana vadzidzisi vanoti vari kuda zvikwanisiro zvekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda




Mumwe mudzidzisi wepachikoro cheMhanyame muChinhoyi VaRosten Matapwa vanoti vadzidzisi vakawanda havasati vagadzirira sezvo kugadzirira kuchida mari iyo yavasiri kupihwa.

VaMutapwa vanoti hazvigone kuti vadzidzisi vaende kuchikoro kunodzidzisa vana vevamwe vavo vari kumba.


Izvi zvatsinhirwa nemutungamiri werimwe sangano rino miririra varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe-PTUZ-VaTakavafira Zhou avo vanoti kuti zvikoro zvivhurwe vadzidzisi vanofanirwa kupihwa mari yemihoro inovakwanira pamwe nekuti muzvikoro much nezvikwanisiro zvekudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19 here.

VaZhou vanoti zvikoro zvavhurwa zvakavharwa nekuda kwekusavimbika munhaurirana dzemihoro kwehurumende.

Mutungamiri werimwe sangano revadzidzisi rekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe-ARTUZ-VaObert Masaraure vanoti hazvishamise kuti vadzidzisi havana kuenda kubasa nhasi sezvo vasina mari yekufambisa.

Asi vachitaura nebepanhau reChronicle, gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vati hurumende yakagadzirira kutaura nevashandi vayo vakakurudzira kuti vadzidzisi vasaramwe mabasa sezvo nyaya dzavo dziri kugadziriswa.

Mumwe mubereki wemuHarare VaNicodemas Kacheru vanoti vadzidzisi nehurumende vanofanirwa kutaurirana vapedzerane sezvo vabereki vari kubhadhara mari dzakawanda asi vana vavo vasingadzidze.

Vamwe vabereki vakaita saMuzvare Hilda Samboko vekuKaroi vanoti hurumende inofanirwa kubhadhara vadzidzisi mari dzemihoro nemadhora ekuAmerica kugadzirisa dambudziko iri, ravanoti rave nenguva yakareba.

Kunyange sangano revakuru vezvikoro reZimbabwe National Union of Schools Heads-ZINUSH-rakange razivisa svondo rapera kuti nhengo dzaro dzainge dzisingaende kubasa nhasi nekuda kwekuti havana mari, vakawanda vavo vaende kubasa nhasi muChinhoyi.

Vadzidzisi vanoti vanofanirwa kupihwa mari dzemihoro dzinosvika madhora mazana mashanu nemakumi mana emadhora ekuAmerica mari yavaihora mugore ra2018.

Vadzidzi vanonzi havana kuenda kubasawo munzvimbo dzakawanda dzino sanganisira Harare, Masvingo, Kadoma, Karoi, Bulawayo neMutare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG