Accessibility links

Breaking News

Varairidzi neVabereki Vochengetedzwa neMapurisa kwaMutoko Mushure Mekuratidzira


Vamwe varairidzi nevabereki gumi nhasi varatidzira kwaMutoko pamahofisi ebazi rezvedzidzo vakambochengetedzwa nemapurisa.

Kuratidzira uku kwange kuchitungamirirwa nesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ.

Varatidzira vange vachidarika zana nemakumi mashanu uye vasiya tsamba yenyunyuto kumahofisi ebazi rezvedzidzo vachiti vanoda kuti varairidzi vawedzerwe mari uye vachitiwo havasi kufara nenyaya yekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro zvopa kuti vana vasawane kodzero yavo yedzidzo.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Mutungamiri weARTUZ VaObert Masaraure vanoti mapurisa haafanire kusunga vanhu vanenge vachiratidzira zviri pamutemo achisiya mbavha dzarura munyika.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG