Mutungamiri weboka revechidiki mubato reMDC Alliance, VaObey Sithole, neMuvhuro vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro mushure mekugara mujeri kwemazuva makumi maviri nemasere vachipomerwa mhosva yekuita zvisina maturo.
Mutongi wedare repamusoro, Amai Jesta Charehwa vakatura mutongo wekuti VaSithole vabhadhare zviuru zvishanu zvemadhora, $5000, ari maRTGS semari yechibatiso uye kuti vazvipire kumapurisa kamwechete pamwedzi uye kuti vasavhiringidzane nevafakazi pamhosva yavari kupomerwa yekuita zvisina maturo. Gweta raVaSithole, VaObey Shava, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.
VaShava vaudza Studio 7 kuti vachadzokera kudare mazuva mashoma ari kutevera kuti vapihwe zuva richatanga kutomgwa nyaya iyi asi vati zVaSithole vafara nemutongo waturwa nedare .
Hurumende inoti VaSithole vakaita zvisina maturo pavakaratidzira nevamwe vavo avo vasati vabatwa paNew Government Complex musi waKurume 1 gore rino vachiti imwe nhengo yeboka ravo VaMakomborero Haruzivishe avo vakabatwa nemhosva yekukurudzira mhirizhonga munyika vasunungurwe.
Bato reMDC Alliance rinogara richichema kuti nhengo dzaro dziri kushungurudzwa zvakawomarara nehurumende asi gurukota rinoona nezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 masvondo mashoma adarika kuti mutemo hausarudzi munhu asi kuti munhu anomira mumatare nemhosva yaanenge apara.
Mune imwewo nyaya yanga iri mudare repamusoro, mumwe mutongi wedare iri, VaSiyabona Msithu, vati vachatura mutongo wavo pazuva ravasina kutara pachikumbiro chekuti sarudzo dzechipiri kana kuti ma by-elections dziitwe zvichitevera kurambidzwa kwadzakaitwa negurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vachiti vanotyira kuti sarudzo idzi dzinogona kukonzera kuparara kwechirwere cheCovid-19.
Chikumbiro chekuti sarudzo idzi dziitwe chakasvitswa kudare nesangano reElection Resource Centre pamwe nereWalpe Academy.
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwembasa muERC, VaSolomon Bobosibunu, vaudza Studio 7 kuti danho rakatorwa naVaChiwenga rinotyora bumbiro remitemo yenyika.
Mudare, gweta resangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission, VaTawanda Kanengoni pavanga vachipindura mubvunzo waVaMsithu kuti chingatadzisa kuti sarudzo dziitwe chii iyo hurumende yakavhura mapazi ose ehupfumi munyika, vati kuita sarudzo dzema by-elections kunogona kutadza kufamba zvakanaka vachiti vanhu vazhinji vanogona kutadza kunovhota nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Gweta reWalpe Academy, VaTendai Biti, vaudzawo dare kuti kurambidzwa kuri kuitwa sarudzo idzi naVaChiwenga segurukota rezvehutano hakunei nezvechirwere cheCovid-19 asi kune chekuita nekutsikirira nyaya dzehutongi hwejekere munyika.
Zvichakadai, mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vati sarudzo dzinofanira kuti dziitwe vachiti ndizvo zvinoita kuti zvido zveveruzhinji zvizadzikiswe.
Facebook Forum