Accessibility links

Breaking News

VaObert Mpofu naMuzvare Linda Masarira Vopomera MDC Mhosva yeKukonzera Mhirizhonga Kukomisheni yaVaMothlante


VaObert Mpofu
VaObert Mpofu

Vaimbova gurukota rezvemukati menyika uye vari munyori mukuru muZanu PF, VaObert Mpofu, nemusi weChipiri vakaudza komisheni iri kuongorora mhirizhonga yakaitika musi wa 1 Nyamavhuvhu muHarare kuti mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vakabvuma kuti vakange vakundwa musarudzo.

Asi MDC inoti zviri kutaurwa naVaMpofu izvi hazvina musoro. Vachipa humbowo hwavo kukomisheni iyi iyo iri kutungamirwa nevakambova mutungamiri weSouth Africa kwechinguvana, VaKgalema Motlanthe, VaMpofu vati vakafonera VaChamisa musi wakaitika mhirizhonga iyi vachida kuti vamise vatsigiri vavo kuratidzira kwavaiita kudzamara zvainge zvabuda musarudzo zvaziviswa.

VaMpofu vati munhaurirano yavo naVaChamisa, vakabvuma kuti vainge vakundwa musarudzo yemutungamiri wenyika. Asi VaChamisa vakaudza komisheni iyi nemusi weMuvhuro kuti ivo sebato havana munhu wavakatuma kuti aratidzire musi uyu uye vakange vasingazive kuti kuratidzira uku kwakarongwa nani vachiti kana vachida kuratidzira vanotaura zviri pachena uye vanozviita zvine mutsindo.

VaMpofu vati vane humbowo hwekutsikisa kwavakaita zvavaitaura naVaChamisa musi uyu parunhare kana kuti recording iyo yavapa kukomisheni iyi.

Asi mutauriri weMDC, VaJacob Mafume vati zvataurwa naVaMpofu izvi ndezvemugotsi matsuro sezvo vachiti VaChamisa ndivo vakakunda musarudzo idzi kunyange hazvo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission yakazivisa kuti VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika izvo zvakatsinhirwa nedare repamusoro-soro reConstitutional Court.

VaMpofu vakarambawo kuti bato ravo rine chekuita nemhirizhonga yakaitika iyi iyo yakasiya vanhu vatanhatu vafa vachiti havana chekuita mhirizhonga sezvo vachiti bato ravo rine rutsigirwo rwakakura munyika yese.

Vakaenderera mberi vachiti vanofungidzira kuti pane vanhu vane hunyanzvi hwepfuti kana kuti ma snipers vakanga vakatsvagwa neMDC musi wakaratidzirwa uyu kuti vapfure vanhu.

Vachibvunzurudzwa nenhengo dzekomisheni iyi kuti sei vachifunga kudaro, VaMpofu vati muziviro wavo semunhu akaenda kuhondo ndewekuti hapana magorira anopfura masoja asi vanhuwo zvavo kuti asunungure nyika.

Vatiwo pavaiva gurukota rezve mukati menyika panguva iyi vakaita zvose zvinodiwa pamutemo kukumbira masoja kuti abatsire mapurisa musi uyu sezvo mapurisa anga ari muHarare aive mashoma kuti akwanise kuchengetedza runyararo.

Zvichakadai, mumwe wevapa hufakazi nhasi mutauriri weMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, Muzvare Linda Masarira avo vati vechidiki veMDC Alliance vakaendeswa kuLivingstone kuZambia nekuCape Town kuSouth Africa kwavainodzidziswa kuti vadzivirire mavhoti ebato avo nenzira dzose dzavaikwanisa dzavasina kunyatsodedemura kukomisheni iyi.

Vatiwo musi wakaratidzirwa uyu vakaona nhengo dzeMDC Alliance dzavaiziva dzaisanganisira VaJabulani Mutunzi vanove kanzura mukanzuru yeHarare vachitungamira kuratidzira uku.

Izvi zvinouya apo VaChamisa vachiti nhengo dzebato ravo dzakanga dzisiri mumigwagwa dzichiratidzira musi uyu. VaChamisa vakatora nguva yavakapihwa nekomisheni iyi kuzivisa kuti vacharatidzira sebato kwesweramangwa musi weChina.

Asi VaMafume vati zvaturwa naMuzvare Masarira ndezvemanyepo. Vamwe wevapawo hufakazi ndiVaPure Simango vanove mutyairi wemakombi avo vaudza komisheni iyi kuti vakazoona vakuvara pagumbo rekuruboshwe mushure mekupfurwa nevavanofungidzira kuti masoja musi uyu asi vakazorapwa zvavo.

Hurumende inoti pakafa vanhu vatanhatu pamhirizhonga musi uyu asi masangano anoshanda akazvimirira anoti vanhu vakapfurwa vakafa vanodarika gumi sezvo vamwe vevanhu ava vakafira munzira vachienda kuzvipatara.

Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Doctors for Human Rights rinoti pane vanhu vazhinji vasina kumhan’ara zvakaitika kwavari sezvo richiti vanhu ava vaityirawo kuzoshungurudzwa nemapurisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG