Accessibility links

Breaking News

VaMasaraure Vanorohwa Zvakaipisisa Vari Mumaoko eMapurisa


Obert Masaraure,
Obert Masaraure,

Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vamiswa pamberi pedare redzimhosva vaine maronda anoratidza kuti vakakuvadzwa kwavanga vakachengetedzwa nemapurisa.

Nyaya yaVaMasaraure yanzi ichapinda zvakare mudaremusi wa25 Ndira, izvo zvinoreva kuti vachagara muchitokisi sezvo vasina kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Papinda VaMasaraure mudare, hama neshamwari dzange dziri mudare dzinoti vange vaine maronda kubva mukurohwa kwavanonzi vakaitwa vari mumaoko emapurisa.

VaMasaraure vanonzi vakatorwa kumba kwavo neChishanu husiku nevanhu vakanga vasina zvipfeko zvemapurisa vakaendwa navo kwavanoti kumapurazi vasati vazoendeswa kumapurisa.

Vanhu vakatora VaMasarure vanonzi vakasiya vaputsa mahwindo nemagoni epamba paVaMasaraure.

Kurohwa kwaVaMasarure kunonzi kwakaitika mudzimai wavo achiona, uye vana vavo vadiki vakatarisawo.

Munyori wezvemadzimai musangano reARTUZ, Muzvare Moreblessing Nyambara, vaudza Studio7 kuti vaenda kudare redzimhosva vakaona VaMasaraure vakakuvara zvakaipisisa.

Muzvare Nyambara vanotiwo magweta aVaMasaraure akumbira kuti vanorapwa, asi chikumbiro ichi hachina kutambirwa.

VaMasaraure vachange vakachengetedzwa kuChikurubi Remand Prison kuitira kuti vazomiswa zvakare mudare musi wa 25 Ndira.

Vanhu vanosvika zviuru zvinomwe vakasungwa kubva musi weMuvhuro hurumende ichiti vanhu ava vakaita zvekuratidzira vaine chinangwa chekubvisa hurumende zvisiri pamutemo.

Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vanotiwo kuratidzira uku kwakarongwa neMDC senzira yekumanikidza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vaumbe hurumende yemubatanidzwa nayo.

Asi MDC inoti haineyi nekuratidzira uko, uye maitiro ehurumende anoratidza kuti yapererwa nemazano ekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Vamwe vevanhu vasungwa kusvika pari zvino vanosanganisira Pastor Evan Mawarire, munyori wezvekurongwa kwemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, mumiriri weMbizvo muparamende, VaSettlement Chikwinya, mumiriri weRedcliff muparamende, VaLloyd Mukapiko, nevamwe.

Mapurisa ari kutsvagawo mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, avo vasiri kuzivikanwa kuti vari kupi.

ZCTU yakabuda pachena ichikurudzira vanhu kuti vasaende kumabasa Muvhuro kusvika Chitatu ichiti iyi ndiyo nzira yekuti hurumende izive kutambura kuri kuita vanhu.

Asi ZCTU yakatiwo vanhu vaifanirwa kugara mudzimba dzavo vakazvinyararira senzira yekudzivirira kuti munyika musaitwe mhirizhonga.

Asi pakatanga kuratidzira uku, vanhu vakabuda mudzimba dzavo vachirambidza vedzimotokari kutakura vanhu vachiti munhu agare kumba kwake.

Mapurisa nemasoja akatanga kurova vanhu, izvo zvakasiyana vanhu vanodarika gumi vapfurwa ndokufa, uye vamwe vanhu vanosvika makumi manomwe, vakaita maronda akakonzerwa nemabara epfuti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG