Accessibility links

Breaking News

VaObama Vowedzera neGore Zvirango Zvakatemerwa VaMugabe neVamwe Vavo


Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vawedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo muZanu-PF.

VaObama vanoti kunyange hazvo pave nehurumende yemubatanidzwa muZimbabwe, zviri pachena kuti muhurumende iyi muchine dzimwe nhinhi dzeZanu-PF dziri kuda kukanganisa mashandiro ehurumende itsva iyi.

Zvirango izvi zvinosanganisawo makambani gumi nemanomwe anodyidzana neZanu-PF, uye zvakatangwa muna 2003 nevaimbove mutungamiri wenyika yeAmerica, VaGeorge Bush, zvichitevera kusafamba zvakanaka kwesarudzo dzemuna 2002.

Kuwedzerwa kwenguva yezvirango uku kuri kuitika mushure mekunge European Union, yawedzerawo negore zvirango izvi.

Ukuwo mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vatangawo kuita misangano neChipiri kuBritain uko vari kuda kukumbira hurumende iyi kuti iti zvirango zvakawedzerwa ne European Union, zvibviswe.

Mutauriri mutsva weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti zvaitwa neAmerica ndezvekuda kukanganisa mashandiro ehurumende yemubatanidzwa, vachiti izvi hazvisi kuzoshanda.

Campaigns Director wesangano reAfrica Action, VaBrigs Bomba, vanotiwo VaObama vanofanira kubvisa vamwe vanhu pazvirango nekuti pave nehurumende yemubatanidzwa.

Zvichakadaro, bazi revechidiki muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti VaTsvangirai havafanire kutya zviri kutaurwa nevechidiki veZanu PF, avo vakaratidzira muHarare svondo rapfuura.

Izvi zvataurwa nasachigaro wevechidiki mubato iri, Va Thamsanqa Mahlangu, pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare neChipiri.

VaMahlangu vanoti Zanu PF haina kodzero dzekuuudza VaTsvangirai zvekuita, sezvo VaTsvangirai vachimirira ruzhinji rwenyika.

Vatiwo bato ravo rine hurongwa hwekuratidzira, sezvo risiri kufara nezvimwe zvinhu zviri kuitika muhurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG