Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKunyorwa kweBumbiro Idzva Chotanga neVanyori


Hurongwa hwekudzidzisa vanhu vachange vachinyora zvinobva muvanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, huchatanga neChina muHarare huchipera neChishanu.

Vanyori ava vanonzi vatanga kuungana muHarare, uye vachange vachigara paZESA Training Centre.

Komiti yeparamende iri kutungamira hurongwa uhu, yeParliamentary Select Committee on Constitution, kana kuti Copac, yakazivisa kuti vanyori mazana maviri negumi vachange vachipinda muzvidzidzo izvi.

Hurongwa uhu hwakanonoka kutanga sezvo hurumende yakanga isina mari. Hurumende yakazovimbiswa mari nesangano reUnited Nations Development Program, iyo ichashandiswa muchirongwa ichi.

Gurukota rezvebumbiro remitemo pamwe nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vaudza Studio 7 kuti zvakaonekwa zvakakodzera kuti vatange nekudzidzisa vanyori vechirongwa ichi.

Kana izvi zvichinge zvapera, ndipo vachabuda nemazuva apo chirongwa ichi chichange chichipinda muvanhu.

Pane zvikwata makumi manomwe zvichange zvichipinda muvanhu. Chikwata chimwe chete chichange chiine vanyori vatatu.

XS
SM
MD
LG