Accessibility links

Breaking News

VaSakudya vekuRuwa Votaura nezveKubatwa Kwavo neMhuri Yavo neCoronavrius


VaSaul Sakudya
VaSaul Sakudya

Mumwe mugari wekuRuwa pedyo neHarare VaSaul Sakudya avo vakabatwa nechirwere checoronavirus apo vakabva kuDubai vanoti vari kunzwa zviri nani parizvino pamwe nemudzimai wavo nevana vavo vaviri avo vakabva vabatwawo nechirwere ichi.

VaSakudya vanoti vari kubatsirwa navanachiremba avo vanouya kumba kwavo zuva rega rega. Asi vanoti mumhuri yavo ine vanhu vapfumbamwe vamwe vashanu havana kubatwa nechirwere ichi. Vanoti chirwere ichi chinopa kuti munhu arukutike muviri uye atadze kana kutomuka nekuda kwekushaya simba.

Vanoti vainzwa kurwadza pahuro, musana uye pachipfuva. MuZimbabwe vanhu vabatwa nechirwere ichi vave gumi nevana uye vatatu vakatoshaya. Huwandu hwevanhu vari kufa nekuda kwechirwere checoronavirus pasi rose huri kuramba huchikwirawo.

Mumashoko atumirwa kuStudio 7 neAfrican Union achibva kusangano rinoongorora nyaya dzezvirwere muAfrica reAfrica Centres for Disease Control prevention rinoti vanhu vafa nechirwere ichi muAfrica vave kudarika zviuru zvinomwe nemakumi mana nemasere.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi muAfrica ichiteverwa neEgypt neAlgeria. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora nyaya dzechirwere checornavirus pasi rose inoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pasi rose hwadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe. Vanhu vafavadarika churu zana.

America ndiyo ine vanhu vakawandisa vafa nechirwere ichi pasi rose. MuZimbabwe sepasi rose vanhu vari kukurudzirwa kugara mudzimba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG