Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Voputsirwa Midziyo muHarare


Mbare Musika
Mbare Musika

Vanhu vanorarama nekutengesa mumigwagwa muHarare vari kuchema chema nekupwanywa kwenzvimbo dzavanotengesera kuMbare neHighfield nemapurisa ekanzuru.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo kana gurukota redunhu reHarare VaOliver Chidawu kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi meya weguta reHarare VaHerbert Gomba vati handivo vatora danho iri asi vakati munyori mukuru weguta achaona kuti vanhu ava vawanirwa pamwe pekutengesera zvivhu.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vanotengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET VaSamuel Wadzai vati havana kunge vasumwa nekanzuru kana hurumende nezvekupwanywa kwemisika iyi. Vati vashungurudzika zvakanyanya nemaitiro aya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG