Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mari Mumugwagwa Vosungwa neMapurisa


Mapurisa muMasvingo nhasi aita hwegondo panhiyo kuvanhu vanotengesa mari pamusika mutema apo anyangira vanhu ava vakavarairwa, izvo zvazoita kuti vaswere vachiita hwakiti nagonzo mapurisa akasunga vakawanda vachivatorera mari dzavo.

Hurumende iri kupomera vanotengesa mari mumigwagwa ava mhosva yekushomeka kwemari munyika uye kukonzeresa kukwira kwemitengo muzvitoro.

Vanotengesa mari vataura neStudio 7 vanoti vamwe vavo vakawanda mudhorobha vasungwa vakavharirwa muchitokisi chepaMasvingo Central Police Station uye mari yavo ikatorwa nemapurisa sezvo pasina chavapiwa chonoratidza kuti mari dzavo dzatorwa.

Vamwe vanoti vakwanisa kupukunyuka asi mari dzavo dzichitorwa uye vanofunga kuti dzinogona kusasvika kuhurumende sezvo mamwe mapurisa munyika achizivikanawa ne nyaya ye huwori.

VaTinaye Hondo vanoti nhasi mapurisa ange achiita seakadya gavakava nekupenga kwacho.

Vamwewo vada kuzivikanwa nekunzi mukoma Gidza, vanoti kunyange zvisiri pamutemo, vari kumanikidzwa kuita izvi nekuti munyika hamuna mabasa.

Mumwewo muzvare aramba kudomwa nezita rake anoti kunyange vakasungwa vacharamba vachidzoka mumigwagwa nekuti mazuva ano basa ravo rine mari sezvo mutengo wemari pamusika mutema uri kukwira zvakare kubva pawakambodonha vhiki yapera.

Mumigwagwa yeMasvingo nhasi zana remadhora ekuAmereka ranga richitengeswa nemabhondi anosvika pamazana matatu ane mashanu kana kuti pamazana mana kana mari ichiiswa munharembozha kana kuti eco cash.

Vanotengesa mari vanoti mazuva ano kunyange zvinhu zvakaoma munyika ivo vari kupura nyemba nemusana uye vanotarisira kuti mutengo ucharamba uchikwira.

Asi vamwe vachema-chema kuti vanga vachitorerwa mari dzange dziri mumabhegi avo dzekutengesa, dzinopfura zviuru zvina zvemadhora uye vachinzi havadzorerwi nekuti yava mari yenyika.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Charity Mazula, varamba kutaura neStudio7 panyaya iyi, asi vasungwa vanotarisirwa kumira pamberi pedare redzimhosva muMasvingo mangwana.

Zvichakadaro, vanhu vana vanotengesa mari pamusika mutema kuChinhoyi vamiswa pamberi pedare nhasi mushure mekusungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo vezvemari.

Vana ava, vanoti VaJabulani Sibawo, VaDennis Zibako, VaKudzanai Mugumo naVaAaron Mutekenya, vabvisiswa mari yechibatiso inoita madhora makumi mashanu pamunhu vakanzi vazodzoka kudare musi wa30 Gumiguru vachibva kudzimba dzavo.

Vari kupomerwa mhosva yekutengesa mari zvisiri pamutemo mushure mekubatwa nemari dzinotangira pamazana maviri emadhora ekuAmereka kusvika pamazana masere uye mari yema Rand yekuSouth Africa yakawanda, pamwe ne mabhondi emuno munyika.

Hurumende iri kupomera vanotengesa mari pamusika mutema mhosva yekuchengeta mari inofanira kunge iri mumabhanga izvo inoti ndizvo zviri kukonzera kushomeka kwemari munyika.

Vanotengesa mari ava vari kunzizve ndivo vari kukonzera kukwira kwezvinhu zvave kushaikwa muzvitoro, asi ivo vanoramba vachiti hurumende iri kuvapomera mhosva isiri yavo sezvo iri iyo iri kutadza kutungamirira nyika nemazvo.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG