Accessibility links

Breaking News

Vanoshandisa Maoko Mukutaura Kana Kuti "Sign Language' Vanoti Vanoda Kuti Mutauro Uyu Usimudzirwe


Vana vachidzidzira mutauro wemaoko.
Vana vachidzidzira mutauro wemaoko.

Vanoshandisa mutauro wemaoko we sign language vari kukurudzira hurumende kuti itore matanho ekuti vakwanisewo kuita zvidzidzo zvepamusoro soro zvekuma universities, ma polytechnics nema teachers’ college zvidzidzo izvi zvinoperera kusecondary chete.

Amai Lucia Masauso avo vane vana vaviri vanoshandisa sign language vakataura neStudio 7 vachidudzirwa naMuzvare Precious Nkomo veku Deaf Zimbabwe Trust vanoti vane makore makumi matatu nerimwe ekuberekwa uye vakapedza zvidzidzo zvavo zve ‘O’ level. Vanoti mamiriro ezvinhu aya haasi kufadza vakawanda vakaita saivo vanenge vane shuviro yekuenderera mberi nedzidzo yavo.

“Kuma colleges havagamuchire munhu asina ma subjects ese, especially science ne maths. Some might have other subjects but anenge asina English havamugamuchire.”

Vaenderera mberi vachiti, “Mateachers ikoko havakwanise ku communicator nemunhu iyeye even ane ma ‘O’ levels akakwana. Vamwewo science inenge ichivanetsa because mamwe ma words anoshandiswa ku science nechirungu chinoshandiswa ikoko chakadzika dzika. So kuti atsanangudzire vana vozopasa zvinenge zvichinetsa”

Amai Masauso vanoti munhu anoshandisa sign language anokwanisa kuita zvidzidzo zvese zvehumhizha zvinoitwa pazvikoro zvepamusoro asi mukana wacho havasi kuuwana, “Inini myself ndinofarira zve science. Vanotizve, “I also love journalism, ndinogona kunyora sitereki saka ndinenge ndichida kutodzidza more about that but kuti ndiwane kwandingaende kuti ndinodzidza izvozvo handina nekuti ndinenge ndichitya kuti kuna interpreter here? Ndichakwanisa kupasa here? Saka ndinenge ndiri worried kuti ndikada kunoita course iyi ndichanzwisisa here matichirwo acho nekuti panenge pasina interpreter.”

Mumwe mugari wemuHarare Muzvare Theodora Gasva vane makore makumi mana ekuberekwa vanoti vakatoora moyo kare patarisiro yekuenda kuzvikoro zvepamusoro. “Ndiri ndega kuenda kuma college zvinhu zvakaoma.” Vanodaro Muzvare Gasva. Vanotizve, “Zviri nani ndichibatsirwa nevamwe kuti ndikwanise kuenda ku college. Zvakaoma kuti munhu ari deaf atarise zviri kutaurwa na teacher nekutarisa zviri kuitika. So vanenge vakatarisa interpreter and at the end of the day vanozosangana interpreter na note-taker nemunhu ari deaf vachitsanangudzirana zvenge zvichidzidziswa imomo. Interpreter akakoshesesa. Because kana munhu achingotaura unotarisa but hapana chaunenge uchinzwa. Interpreter akakoshesa.”

Muzvare Gasva vanoti dambudziko rekutadza kwavo kuenderera mberi nedzidzo rinotangira pakuti mutauro we sign language haukosheswe kubvira mumhuri kana munharaunda munokurira mwana.

Problem inotangira pasi pasi ichikwidza kusvika kumusoro, ndiko kune problem. Even mwana kana achitanga kudzidza sign language anenge achifanira kudzidza mbichana mbichana. It’s easier kuti anzwisise zvinenge zvichiitika nekuti anenge ane sign language. Uyezve kupasa kwake kunenge kwave nyore nekuti anenge akukwanisa mutauro wake waanoshandisa. Tinenge tichida ma interpreter kwese, kungave ku college, ma teachers’ colleges zvese kuve nema interpreters kuitira kuti vanhu vari deaf vakwanise kupinda mune nzvimbo idzodzo vachinzwisisa zvinenge zvichiitika.”

Pfungwa yekuti mutauro we sign language uri kutarisirwa pasi inotsigirwa na Muzvare Precious Nkomo, “Machallenges evana vari deaf anotangira kumba chaiko nekuti munhu ari deaf anozvarwa nemunhu anotaura anonzwa,” Vanodaro Muzvare Nkomo.

Vanotiwo, “ Isusu vana vedu vari hearing tinototanga kutaura nako kari mudumbu chaimo. Ende atori ne skill yaanotowana from there. Otozvarwa, vanhu vese vakamukomberedza vanenge vachitotaura. As a parent anopedza nguva asati aziva kuti mwana wake haatauri. Dzimwe nguva vachimhanya naye kun'anga kumbononamatirwa kunana papa kumbodii zvakasiyana siyana, trying to make the child talk. That denial stage yemubereki inonotononotsa mwana kuti ave ne language. So we are looking at a child ari kubva kumba asina language. Mubereki akatora mwana wake achimuendesa kuchikoro vanenge vane tarisiro yekuti ndiko kwaachawana language handiti? Of which mwana adarika ma stages aya from two years, three years ndo normal age yekuti mwana atange kutaura. Vana vakawanda vari deaf pamwe vanotanga kuenda kuchikoro ane 10 years.”

Muzvare Nkomo vanoti zvikoro zvepamusoro zvinofanira kubuda pachena kuti zviri kusarura vanoshandisa sign language, “I have not heard of a deaf person who has made it to a university in Zimbabwe, profoundly deaf. Nekuti pane ma types of deafness. Pane post-lingual ne pre-lingual. Ari pre-lingual ndiye asina kumbobvira awana language, akazvarwa ari deaf. Ari post-lingual aitombonzwa akazoita deaf. Anoita lip reading, anonzwisisa. Kune six kana seven vari deaf variko mondinhongera, handisati ndavaona.”

Muzvare Nkomo vanoti hurumende ndiyo inofanira kutora danho rekutanga kugadzirisa dambudziko rakatarisana nevanoshandisa mutauro we sign language.

“So I think there should be a supporting system within the government inobatsira vanhu vari deaf in terms of providing interpreters, providing a note-taker or accepting them on the basis yekuti English haisi language yavo yekutanga. Don’t expect them kunge vane ‘A’. Munhu ari deaf haataure kuti “this is a red car,” iye anoti “car, red.” Their language is telegraphic. Vanomaka vacho havatonzwisisa nekuti akasvika mwana akanyora kuti “car, red” anomuchekera, because haana background yekunge akashanda nevana vari deaf. So if sign language could be an examinable subject vanotesta vachiwirirana nema interpreters. I think that would be best for vanhu vari deaf so that we say “including sign language” nekuti ndiyo language yavo iyoyo.”

Vanodzidzisa vatori venhau pa University ye Zimbabwe, Muzvinafundo Wellington Gadzikwa vanoti sign language inofanira kukosheswa sezvo iri yemimwe yemitauro iri mubumbiro remitemo renyika. Vanoti dambudziko iri rinokwanisa kugadziriswa chete kana vana vese veku primary ne secondary vadzidziswa mutauro uyu.

Kana zvakadaro zvinova nyore kuitira kuti muzvikoro zvekudzidzira zvemaoko ve sign language vapindemo vachidzidziswawo nekuti zvese vanenge vachigona asi mutauro ndiwo unenge uchisiyana.” Muzvinafundo Gadzikwa vanoenderera mberi vachiti, “Mutauro unoshanda muma technical fields neimo munana journalism umu. Muma journalism schools vakaita sign language ku primary vanotokwanisa kushandisa rurimi irworwo vachishambadzira kune vanoshandisa sign language. Saka mutauro uyu ukave pese pese zvinobatsira kana mumatare edzimhosva, mumigwagwa vanenge vave neruzivo rwe sign language kuti itaurwe painenge ichidiwa. Hazvina kunangana nevasingagone kutaura chete asi nemunhu wese, ndokuti zvinzwanane. Vakaiziva vese ndokuti vawadzane nekuti budiriro yenyika inobva kumunhu wese, mazano anobva kune munhu wese. Tinogona kunge tiri kurasikirwa nemazano ane vanoshandisa sign language nekuti hatigoni kuitaura. Kana tisingazivi kukosha kwe sign language tichangogara tiri vanhu vepasi.”

Muzvinafundo Gadzikwa vanoti danho ringatorwe nehurumende nderekuti zvevatori venhau zvitotanga kugamuchira vanoshandisa sign language, “Zvakanyanyokosha kuma journalism schools nekuti ndivo vanopa mashoko. Vanofanira kutoona kuti pane vamwe vanhu vasiri kuwana mashoko aya. Ivo kana vachitaura mashoko pasina kwaanoenda hapana zvazvinobatsira. Zvinokwanisa kutoitika izvozvi, pazvidzidzo powedzerwa sign language nekuti tinoziva kuti mamwe ma languages akaita seShona vanhu vanotoataura kare asi iyi ndiyo yasarira. Saka zvikoro zvinoda kuverengwa kuti zvikoro zvinoziva zvazvinoita zvinofanira kunge zvine zvidzidzo zve sign language. Wese anopinda imomo aite chidzidzo ichochi nekuti anenge achifanira kuti azotaura nemhomho dzevanhu. Unotaura nemhomho dzevanhu kana uchikwanisa mitauro inoita kuti utaure navo. Tinoona kuti hapana pazviri kuitwa, zvichiratidza kuti zvingashorwa zvakanyanya zviri kuitika, zvinoda kuti zvigadziriswe. Zvinonyadzisa kuti sign language kuma communicators haiko.”

Gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Amon Murwira vanoti hurumende ichatora matanho ekubvisa zviri kuita kuti vanoshandisa sign language vatadze kuwana dzidzo yepamusoro. “Tine vara rechirumbi ratinoti inclusive education.” Vanotizve, “Tinoda education isina rusarura. Ndiri kuona requirement yekuti science ne maths isingakwanisiki kufulfiliwa nevanhu vane hurema ihwohwu. Njere dzedu dzinofanira kutiudza kuti kune zvimwe zvinhu zvisingafaniri kubvunzwa. Nekuti kutobvunza chirumbi kumunhu asina kuzvarwa achitaura nenzwi rake kupata ikoko kutobvunza zvinhu zvisingaitiki. Saka kana pane rule yakadaro yakapata, inofanira kubviswa.”

Zvinhu zvikaramba zvakadai, vakuru vehurumende vachizadzikisa chivimbo chekubvisa zviri kuita kuti vakawanda vakaita samai Masauso naMuzvare Gasva vatadze kuwana dzidzo yepamusoro, remangwana revakaremara richange rakajeka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:10:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG