Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero dzeVanhu Otaura Nhanganyaya dzeNhaurirano


Ms. Blessing Gorejena
Ms. Blessing Gorejena

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu inofanirwa kuiswa pamusoro, yogadziriswa kuitira kuti nhaurirano dzichaitwa munyika dzibudirire.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Association, ZimRights, VaOkay Machisa, vanoti nhaurirano dzinoda kuitwa pasina kunyeperana nekutyityidzirwa kuitira kuti dzibudirire.

Mukuru wesangano reZimbabwe Diaspora For Democracy, Va Charles Mutama, avo vanove zvakare sachigaro weMDC mudunhu reMaryland, vanoti hazvigoni kuti mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vatungamire nhaurirano dzine pundutso asi kuti patsvagwe munhu kana sangano rakazvimirira rinomira semuyananisi.

Asi mutauriri weTransparemncy International mu Zimbabwe, Va Frank Mhlapo, vanoti sangano ravo, iro rinoongorora nyaya dzehuori pasi rese, rinoona sekuti Zimbabwe haigoni kufambira mberi kana isina kugadzirisa nyaya dzehuori munyaya dzemari nezvematongerwo enyika.

Mukuru wemubatanidzwa we masangano anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Human Rights NGO Forum, Muzvare Blessing Gorejena, vanoti sangano ravo rinoshuvira kuti vakatyorerwa kodzero dzavo nekushungurudzwa vapinzwewo munhaurirano dzine chekuita nekugadzirisa zviri kunetsa munyika kuitira kuti inzwi ravo rinzwikwewo.

Mukuru weElections Resource Center, VaTawanda Chimhini, vanoti vese vane chekuita neZimbabwe zvisinei nekuti ndevematongerwo enyika here kana kuti kwete, vanofanirwa kupihwa mukana wekutaurawo munhaurirano dzekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti kuratidzira kwakaitika mwedzi wapera kwakaona kodzero dzevanhu vakawanda dzichityorwa nemauto nemapurisa.

Sangano iri rinotiwo riri kubatsira nemagweta vanoshaya vakasungwa mumhirizhonga iyi kuitira kuti vamirirwe nevanhu vanoziva mitemo mumatare edzimhosva.

Britain neAmerica dzakabuda pachena dzichishora hurumende yeZimbabwe nekutyora kodzero dzevanhu kwairi kuita.

Asi hurumende inoti yakaisa masoja mumigwagwa senzira yekudzivirira kodzero dzevanhu vasineyi nekuratidzira uku.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG