Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Vocherechedza Makore Matatu Vanhu Vapfurwa neMauto muHarare muna Nyamavhuvhu


Zimbabwe National Army
Zimbabwe National Army

Vamwe munyika vari kucherechedza makore matatu kubva mauto achitungamirirwa naBrigadier General Anselem Sanyatwe apomerwa mhosva yekupfura vanhu nekukuvadza vamwe muHarare mushure mekuratidzira kwevanopikisa veMDC Alliance nekusafara nezvainge zvabuda musarudzo dza2018.

Vanopikisa vanoti sarudzo idzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro kunyangwe hazvo bato reZanu-PF richiti rakakunda zvine mutsindo.

Mushure mekushorwa nenyika dzakawanda nemasangano akazvimirira oga, hurumende yakaumba komisheni yaitungamirirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaKgalema Motlanthe uye yakavimbisa kuzadzikisa zvakabuda muongororo iyi.

Asi masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seHuman Rights Watch neAmnesty International anoti hapana chinobatika chaitwa sezvainge zvavimbiswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

VaMnangangwa vakavimisa kuvandudza mashandiro emauto nemapurisa uye nyaya dzesarudzo.

Nekuda kwekuti hapana chainge chaitwa, hurumende yeAmerica yakabva yatemerawo VaSanyatwe zvirango nekuwedzerawo negore zvirango zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe vakurtu muhurumende yavo.

Asi nhengo yeZanu-PF uye vaimbotungamira bato rinopikisa redare VaGilbert Dzikiti vanoti hurumende yakazvipira kuzadzikisa zviri mugwaero asi vamwe vanoti vakatyorerwa kodzero vacho havasi kuuya nehumbowo.

Hurukuro naVaGilbert Dzikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya apikiswa nemukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimrights VaDzikamai Bere vati hurumende haina kuzvipira kuzadzikisa zvayakavimbisa kusanganisa kuripa vane hama dzakaurayiwa nemauto.

Hurukuro naVaDzikamai Bere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG