Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Votambira neMufaro Mutongo weSupreme Court


Dare repamusoro soro reSupreme Court rakati hofisi yaRegistrar General yakakanganisa payakarambidza Amai Magaret Dongo, kuti vabatsire mwana wavo kutora magwaro ekufambisa vasina baba vemwana uyu.

Mushure mekutadziswa kuita izvi, Amai Dongo vakaendesa nyaya iyi kumagweta avo, ayo akapikisa zvakanga zvatarwa nehofisi ya Registrar General mudare repamusoro reHigh Court. Dare iri rakaendesa nyaya iyi kuSupreme Court, mushure mekunge zvaonekwa kuti Amai Dongo vainyunyuta nenyaya yekutyorerwa kodzero dzavo, izvo zvinogona chete kunzwikwa nedare reSupre Court..

Muzvare Luta Shaba ndivo Executive Director veWomen’s Trust, sangano rinorwira kodzero dzevanhu.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Shaba kuti tinzwe pfungwa dzavo pamusoro pemutongo wakatara ne Supreme Court. ,

XS
SM
MD
LG