Mapurisa anoti Vanhu makumi mana nevaviri vakafa vamwe makumi maviri nevana vakakuvara mutsaona ye bhazi rekwa Brooklyn nemusi weChina manheru husiku kuWest Nicholson, kuGwanda mumugwagwa unoenda kuBeitbridge.
Kunyangwe hazvo mapurisa ari kuti pane vanhu makumi mana nevaviri vakashaya mutsaona iyi, mukuru wekambani yeBrooklyn Express VaNqobile Ndlovu mumashoko kuvatori venhau vakati vanhu vakafa vanosvika makumi matatu nemumwe. Vanotiwo bhazi iri raienda kuMusina, South Africa.
Tsaona iyi yakaitika nenguva dza 11 manheru. VaNdlovu vanoti vanofungidzira kuti pane munhu akapinda negaba rainge riine gas. Vanoti mutyairi webhazi paakanzwa kunhuwa kwegas iri akabatidza mwenje gas iri richibva rangopitika.
Asi vamwe vakararama mutsaona iyi vanoti havazivi kuti chii chakaitika kunze kwekuzongonzwa kuputika nekuzoona moto uchibvira mubhazi.
Mumwe wevaive mubhazi iri ndi Amai Nyaradzai Chivi vanobva kuMberengwa avo vanoti vakapona ne paburi retsono mushure mekukwanisa kubuda nepa hwindo. Vanoti vakatsva rutivi rwerudyi.
VaElasto Matipedza, vanobva ku Zvishavane, vanoti vakanzwa munhuwi usina kujairika mubhazi vakakumbira kuti mutyairi amise bhazi vaone kuti chii chainhuwa asi havana kuzowana nguva yekuita izvi nekuti moto wakabatira bhazi risati ramira.
Mutauriri mapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vanoti vanosiririswa zvikuru netsaona iyi uye mapurisa achaita zvese zvavanogona kuferefeta chakakonzera moto uyu.
Mukuru we sangano reCross Border Traders Asociation, VaDenis Juru vanoti vanoshungurudzwa zvikuru netsaona iyi.
Mutunganmiri wenyika, Va Emerson Mnangagwa vatumira mashoko enyaradzo kune vakaparara mutaona iyi.
Sangano re Red Cross rinotiwo riri kuita zvose zvarinogona kubatsira vakakuvara mutsaona iyi.
Svondo rakapera imwe tsaona yemabhazi akabonderana pedyo nekwaRusape yakauraya vanhu makumi mashanu.
Nyaya yetsaon dziri kuuraya vanhu vakawanda yave kutemesa vanhu vakawanda musoro sezvo vamwe vari kurasikirwa nehupenyu vamwe vachiremara kwehupenyu hwose.
Facebook Forum