Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopesana Pakurudziro yaVaMugabe Yekuti VaBush naVaBlair Vatongwe neICC


Xarbin, Xitoy
Xarbin, Xitoy

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vaimbova mutungamiri weAmerica, VaGeorge W. Bush, nevaiva mutungamiri wehurumende yeBritain, VaTony Blair, vanofanirwa kuendeswa kudare reInternational Criminal Court, ICC, iro rinotonga vatungamiri venyika nevamwe vanhu vanenge vapara mhosva dzehondo kana kupondana kwemarudzi.

VaMugabe vakataura mashoko aya kumusangano we EU-Africa summit wakaitirwa kuLibya ukapera neChipiri.

VaMugabe vakati dare reICC rine rusarura, uye rinofanira kuti ritonge VaBlair naVaBush nemhosva dzekuuraya vanhu vasina mhaka mu Iraq kwete kungoda kutonga vanhu vakaita semutungamiri weSudan, VaOmar Al Bashir chete.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nevanorwira kodzero dzevanhu vashora mashoko aVaMugabe vachiti aya ndiwo manomano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu iye akasungirira nyoka muchiuno.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, VaMugabe vanofanira kutanga vazvichenura vasati vanongedzera vamwe munwe.

XS
SM
MD
LG