Accessibility links

Breaking News

Vanhu VemuBulawayo Voratidzira Zvine Mutsindo


Mapurisa muBulawayo ashandisa hutsi hunokachidza kuti adzinge vanhu vange vachiratidzira muguta iri.

Pazosvika nguva dzekuma1 masikati muguta mange musisina vanhu zvitoro nemabhanga zvavharwa.

Kunyange hazvo muguta matanga muine runyararo, zvitoro zvikuru zvakawanda zvange zvakavharwa uye panguva dzekuma9 mangwanani mhomho yevanhu yaungana paCity Hall vakazotenderera mumigwagwa yeguta ichiimba nekuisa matombo nezvimwe zvose zvavange vachikwanisa kuwana kudzivirira kufamba kwemotokari muguta.

Kuratidzira uku kwaitikawo munzvimbo dzinogara veruzhinji dzakadai Sizinda, Tshabalala neEntumbane uko vamwe vevange vachiratidzira ava vapaza chimwe chitoro cheChoppies vachitora zvinhu.

Kuvhurwa kwekotoro yekutanga kwedare reHigh Court uko kwaitwa nemutevedzeri waChief Justice, Justice Elizabeth Gwaunza, kwambomiswa kukazoenderera mberi mushure mekanguva apo vanhu ava vasvika vakaratidzira panze pedare iri.

Mukuru weboka revechidiki mubato reMDC mudunhu reBulawayo VaMalandu Ncube avo vange variwo pakati pevange vachiratidzira vati iyi inzira yeveruzhinji yekuratidza hurumende kuti vaneta nematambudziko avari kusangana nawo zuva nezuva, vachitiwo kukwidzwa kwemutengo wemafuta edzimotokari kwawedzera kutambura uku.

Gweta VaKholwani Ngwenya avo vange vari pachiitiko chekuvhurwa kweHigh Court ndemumwe wevaona zvaitika uye vaudza Studio 7 kuti kuratidzira kwaitwa nevanhu uku kunoenderana nekodzero dzavo pasi pebumbiro remutemo wenyika.

Mumwe mugari wemuBulawayo VaMoses Kumbweya vati kuratidzira kwevanhu kwaitika uku hakushamisi nekuti veruzhinji munyika vave kunhonga svosve nemuromo.

Mumwe mufundisii VaSikhalo Cele vaudza Studio 7 kuti mamiriro aita zvinhu munyika ave kuda kuti vanhu vose, kusanganisira mapato ezvematongerwo enyika, vaite maonera pamwe.

Nhasi range riri zuva rekutanga rakadeedzerwa nevemamwe masangano akazvimirira ega kusanganisira veZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU kuti vagare kumba.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG