Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vomanikidzwa Kutenga Hupfu neZvitupa


vanhu vachitenga hupfu kuChinhoyi
vanhu vachitenga hupfu kuChinhoyi

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nevamwe vanotengesa hupfu rekuti munhu aburitse chitupa chake kuti atenge hupfu.

Zvitoro zvakaita seN. Richards, Gain Wholesale neOK Zimbabwe zvave kutengesera hupfu kune munhu anenge ayine chitupa chete.

Danho iri riri kushorwa nevakawanda avo vari kuti zvinosiya vanhu vakawanda vasina zvitupa vachifa nenzara.

Mumwe mugari wemuChinhoyi VaBasildon Kanonge vanoti zvekudya ikodzero yemunhu nekudaro haafanirwe kutadza kudya nekuti haana chitupa.

Izvi zvatsigirwa naVaIsrael Nyandoro avo vanoti vanhu vakawanda havasikupihwa zvitupa kwamudzviti zvichinzi havana mapepa anogadzira zvitupa.

Asi vamwe vakaita saAmai Cornilia Matekenya vanoti kutenga hupfu munhu aburitsa chitupa zviri kuita kuti hupfu hutengwe nevanhu vakawanda uye zvinoderedza huori.

VaDesire Mapfumo vanoti zvose zviri kuitika zvinoreva kuti chikafu chishoma munyika nekudaro hurumende inofanirwa kuunza hupfu hwakawanda kuvanhu.

Mukuru wechitoro cheN. Richards VaJohn Matikiti vanoti vari kuti munhu anoda hupfu anofanirwa kuuya nechitupa kuti vazvichenure kana vazobvunzwa kuti vakatengesera ani hupfu.

Hupfu hweRoller Meal uhwo hwavekutengwa nemadhora makumi manomwe emabhondi kana RTGS sezvo vanohugaya vachipihwa mari nehurumende huri kunetsa munyika yose.

Hurumende iri kufungawo kupa vanhu vanoshaiwa makuponi ekutenga hupfu senzira yekupedza huori munyaya dzezve kugaya nekutengeswa kwehupfu.

Vamwe vanhu vari kupomerwa mhosva yekutanga hupfu muzvitoro nemari iri pasi vonoutengesa nemutengo wepamusoro pamukoto. World Food Programme inoti vanhu vanoda kusvika mamiriyoni masere vakatarisana nenzara inotyisa munyika uye vanoda kupihwa chikafu nechimbi chimbi.

Izvi zvinonzi nesangano iri zvakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye mitemo yehurumende iri kungovandudzwa chero nguva.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG